YouVersion Logo
Search Icon

I Petro 2

2
Kurai munaKristu.
1Naiɀoɀo rashai ɀakaipa ɀose, nokunyeŋgera kwose, namano‐mano, negoɗo, nokucera kwose, 2saʋacece ʋacaŋgoɓerekwa, paŋgai mukaka womŋeya, usina‐kushatiswa, kuti mukure nawo, mugoponeswa; 3kana makaraʋira kuti Ishe unomŋoyo munyoro. 4Ʋuyai kwaari, iye ibge ɓenyu, rakarashwa naʋanhu, asi rakasanaŋgurwa naMŋari, rinokosha. 5Nemi ʋo, samabge mapenyu, muʋakwe muʋe imba yoMŋeya, muʋe ʋuprista ʋutȿene, kuti muɓayire ɀiɓayiro ɀoMŋeya, ɀinofadza Mŋari nokuɗa kwaJesu Kristu. 6Nokuti muRugwaro ɀiri’mo, ɀinoti:
Tarira, ndinoisa muZioni ibge rekona, rakasanaŋgurwa, rinokosha;
Nounotenda kwaari haaŋganyadziswi.
7Naiɀoɀo imi, munotenda, munako kukudzwa; asi kunaʋasiŋgatendi,
Ibge rakarashwa naʋaʋaki,
Ndiro rakaitwa musoro wekona;
8ʋuye
Ibge rokugumbusa,
Neɗombo rokupiŋganidza;
ndiʋo aʋo ʋanogumburwa neshoko, nokuti haʋaritereri; ndiɀo ɀaʋakaisirwa ʋo. 9Asi imi muri rudzi rwakasanaŋgurwa, ʋuprista bgamambo, rudzi rutȿene, ʋanhu ʋaakaɀiwanira, kuti muparidze kunaka kwaiye wakakuɗanai, kuti mubve parima muʋuye kuciedza cake cinoshamisa. 10Imi kare makaŋga musi ʋanhu; asi ɀino muri ʋanhu ʋaMŋari; makaŋga musiŋganzwirwi ŋgoni, asi ɀino manzwirwa ŋgoni.
Mufambire waʋakristu pakati paʋahedeni.
11Ʋaɗikanwa, ndinokumbira ɀikuru kwamuri, ɀamuri ʋatorwa naʋaeni, kuti muɀidzore pakuciʋa kwenyama kunorwa nomŋeya; 12mufambire wenyu uʋe wakanaka pakati paʋahedeni; kuti paʋanokupomerai ʋaciti munoita ɀakaipa, ʋarumbidze Mŋari nezuʋa rokushanyira, kana ʋaciʋona maɓasa enyu akanaka.
Tinofanira kuɀiisa pasi paʋaɓati ʋenyika.
13Muɀiise pasi pecireʋo cimŋe necimŋe caʋanhu nokuɗa kwaShe: kana ari mambo, nokuti ndiye mukuru; 14kana ʋari ʋaɓati, nokuti ʋakatumŋa naye kuti ʋatsiʋe ʋanoita ɀakaipa, ʋuye ʋarumbidze ʋanoita ɀakanaka. 15Nokuti ndiko kuɗa kwaMŋari, kuti nokuita kwenyu ɀakanaka munyaradze kusaziʋa kwamapenzi; 16saʋanhu ʋakasunuŋguka, musiŋgaiti kusunuŋguka kwenyu kuti ciʋe cifukidzo ceɀakaipa, asi muʋe ʋaranda ʋaMŋari. 17Kudzai ʋanhu ʋose. Iɗai hama dzose. Ityai Mŋari. Kudzai mambo.
Ʋaranda.
18Ʋaranda, tererai ʋatenzi ʋenyu nokutya kwose, musiŋgaɀiiti kunaʋakanaka naʋanyoro ɓedzi, asi kunaʋasakarurama ʋo. 19Nokuti ndidzo nyasha kana munhu acitsuŋgirira pakutambudzika nokuɗa kwehana kunaMŋari, acitambudzika asinemhoȿa. 20Nokuti kunerumbidzo yeiko, kana mucitsuŋgirira matadza, mukarobga? Asi kana mukatsuŋgirira kana muciita ɀakanaka mukatambudzika, iɀoɀo inyasha kunaMŋari. 21Nokuti makaɗanirwa iɀoɀo, Kristu ɀaakakutambudzikirai ʋo, akakusiyirai mufananidzo, kuti muteʋere makwara ake; 22iye usina‐kuita ɀiʋi, nokunyeŋgera hakunakuʋonekwa mumuromo make; 23iye wakati acitukwa, haana‐kutuka ɀe; wakati acitambudzika, haana‐kutyisidzira; asi wakaisa mhaka yake kunaiye unotoŋga ɀakarurama; 24iye wakatakura amene ɀiʋi ɀeɗu mumuʋiri wake pamuti, kuti isu, kana tafa kuɀiʋi, tiraramire ɀakarurama; iye wamakaporeswa namaʋaŋga ake. 25Nokuti makaŋga makatsauka samakwai; asi ɀino madzokera kumufudzi nomutariri wemŋeya yenyu.

Currently Selected:

I Petro 2: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in