YouVersion Logo
Search Icon

I ƲaKorinte 1

1
Kwaziso nokuʋoŋga.
1Pauro, wakaɗanwa nokuɗa kwaMŋari, kuti aʋe muapostora waKristu Jesu, naSostene, hama yeɗu, 2kukereke yaMŋari iri paKorinte, kunaʋakaitwa ʋatȿene munaKristu Jesu, ʋakaɗanwa kuti ʋaʋe ʋatȿene pamŋe cete naʋose ʋanoɗana pose‐pose zita raJesu Kristu, Ishe weɗu, waʋo noweɗu: 3Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare runobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu.
4Ndinogara ndiciʋoŋga Mŋari ŋguʋa dzose nokuɗa kwenyu, pamsoro penyasha dzaMŋari dzamakapiwa munaKristu Jesu; 5kuti makafumiswa paɀose maari, pakutaura kwose, napakuziʋa kwose; 6nokuɗaro ʋucapupu bgaKristu bgakasimbiswa mamuri; 7kuti hamushaiwi cipo cimŋe; mucimirira kuratidzwa kwaShe weɗu, Jesu Kristu; 8ucakusimbisai kuȿikira pakuguma, muʋe ʋasiŋgapomerwi pazuʋa raShe Jesu Kristu. 9Mŋari ndiye wakatendeka, wamakaɗanwa naye kuyanana noMŋanakomana wake, Jesu Kristu, Ishe weɗu.
Kupesana pakereke paKorinte.
10Ɀino ndinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, nezita raShe weɗu, Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure cinhu cimŋe, kuti pakati penyu kurege kuʋa nokupesana; asi kuti musoŋganiswe ɀakanaka pamuraŋgariro mumŋe nokufuŋga kumŋe. 11Nokuti ndakaʋudzwa pamsoro penyu, hama dzaŋgu, naʋari ʋokwaKroe, kuti kunegakaʋa pakati penyu. 12Ɀandinoreʋa ndiɀo, kuti mumŋe nomumŋe wenyu unoti: Ini ndiri waPauro, ini waAporo, ini waKefasi, ini waKristu. 13Ko Kristu wakaparadzaniswa here? Ko Pauro wakaroʋerwa pamucinjikwa nokuɗa kwenyu here? Ko makabapatidzwa muzita raPauro here? 14Ndinoʋoŋga Mŋari, kuti handina‐kubapatidza mumŋe wenyu, asi Krispo naGayo; 15kuti kurege kuʋa nomunhu uŋgati, makabapatidzwa muzita raŋgu. 16Ndakabapatidza ʋo ʋeimba yaStefana; asi ʋamŋe, handiziʋi kana ndakabapatidza mumŋe. 17Nokuti Kristu haana‐kundituma kubapatidza, asi kuti ndiparidze Evaŋgeri; ndisiŋgaiti nenjere dzamashoko, kuti mucinjikwa waKristu urege kukoneswa.
Ʋucenjeri bgaMŋari noʋucenjeri bgenyika.
18Nokuti shoko romucinjikwa ʋupenzi kunaʋanoparadzwa; asi kwatiri, isu tinoponeswa, isimba raMŋari. 19Nokuti kwakanyorwa kucinzi:
Ndicaparadza ʋucenjeri bgaʋakacenjera,
Ndicakonesa kuziʋa kwaʋanoziʋa.
20Wakacenjera uripiko? Munyori uripiko? Muiti wenharo wenyika ino uripiko? Mŋari haana‐kuita ʋucenjeri bgenyika bguʋe ʋupenzi here? 21Nokuti noʋucenjeri bgaMŋari, nyika noʋucenjeri bgayo, ɀaisina‐kuziʋa Mŋari, Mŋari wakafadzwa naɀo kuti ʋanotenda aʋaponese noʋupenzi bgokuparidza. 22Nokuti ʋaJuda ʋanokumbira ɀiratidzo, naʋaGiriki ʋanotȿaka ʋucenjeri; 23asi isu tinoparidza Kristu, wakaroʋerwa pamucinjikwa, cigumbuso kuʋaJuda, noʋupenzi kuʋahedeni; 24asi kunaʋakaɗanwa, ʋaJuda naʋaGiriki, Kristu isimba raMŋari, noʋucenjeri bgaMŋari. 25Nokuti ʋupenzi bgaMŋari bgunopfuʋura ʋanhu noʋucenjeri; noʋutera bgaMŋari bgunopfuʋura ʋanhu nesimba.
26Nokuti tarirai kuɗanwa kwenyu, hama dzaŋgu, kuti haʋazi ʋazhinji ʋakacenjera panyama ʋakaɗanwa; haʋazi ʋazhinji ʋanesimba, haʋazi ʋazhinji ʋanokudzwa; 27asi Mŋari wakatsaura ɀinhu ɀoʋupenzi ɀenyika, kuti anyadzise ʋakacenjera; Mŋari wakatsaura ɀinhu ɀisinesimba ɀenyika, kuti anyadzise iɀo ɀinesimba; 28Mŋari wakatsaura ɀinhu ɀinoɀidzwa ɀenyika, neɀinoshoʋorwa, neɀinhu ɀisi’po, kuti ashaise ɀiri’po simba raɀo, 29kuti kurege kuʋa nenyama iŋgaɀikudza pamberi paMŋari. 30Asi naye muri munaKristu Jesu, iye wakatiitirwa isu ʋucenjeri bgunobva kunaMŋari, nokururama, noʋutȿene, norudzikinuro. 31Kuti unoɀirumbidza, ngaaɀirumbidze munaShe, seɀaɀakanyorwa.

Currently Selected:

I ƲaKorinte 1: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in