1
I ƲaKorinte 1:27
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi Mŋari wakatsaura ɀinhu ɀoʋupenzi ɀenyika, kuti anyadzise ʋakacenjera; Mŋari wakatsaura ɀinhu ɀisinesimba ɀenyika, kuti anyadzise iɀo ɀinesimba
Compare
Explore I ƲaKorinte 1:27
2
I ƲaKorinte 1:18
Nokuti shoko romucinjikwa ʋupenzi kunaʋanoparadzwa; asi kwatiri, isu tinoponeswa, isimba raMŋari.
Explore I ƲaKorinte 1:18
3
I ƲaKorinte 1:25
Nokuti ʋupenzi bgaMŋari bgunopfuʋura ʋanhu noʋucenjeri; noʋutera bgaMŋari bgunopfuʋura ʋanhu nesimba.
Explore I ƲaKorinte 1:25
4
I ƲaKorinte 1:9
Mŋari ndiye wakatendeka, wamakaɗanwa naye kuyanana noMŋanakomana wake, Jesu Kristu, Ishe weɗu.
Explore I ƲaKorinte 1:9
5
I ƲaKorinte 1:10
Ɀino ndinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, nezita raShe weɗu, Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure cinhu cimŋe, kuti pakati penyu kurege kuʋa nokupesana; asi kuti musoŋganiswe ɀakanaka pamuraŋgariro mumŋe nokufuŋga kumŋe.
Explore I ƲaKorinte 1:10
6
I ƲaKorinte 1:20
Wakacenjera uripiko? Munyori uripiko? Muiti wenharo wenyika ino uripiko? Mŋari haana‐kuita ʋucenjeri bgenyika bguʋe ʋupenzi here?
Explore I ƲaKorinte 1:20
Home
Bible
Plans
Videos