I ƲaKorinte 2
2
Pauro haana‐kuparidza noʋucenjeri bgenyika.
1Ɀino ini, hama dzaŋgu, pakuʋuya kwaŋgu kwamuri, handina‐kuʋuya ndicikuparidzirai ʋucapupu bgaMŋari nokunaka kwamashoko, kana kwoʋucenjeri. 2Nokuti ndakati, handiŋgaziʋi cinhu pakati penyu, asi Jesu Kristu, iye wakaroʋerwa pamucinjikwa. 3Ndakaŋga ndiri pakati penyu noʋutera, nokutya, nokuɗeɗera kukuru, 4neshoko raŋgu nokuparidza kwaŋgu haɀizaiʋa namashoko okugombedzera oʋucenjeri; asi nokuratidza kwoMŋeya nokwesimba; 5kuti kutenda kwenyu kurege kuʋa muʋucenjeri bgaʋanhu, asi musimba raMŋari.
6Ɀino tinotaura ʋucenjeri pakati paʋakakura; asi ʋucenjeri bgusati bguri bgenyika ino, kana bgaʋaɓati ʋenyika ino ʋanoshaiswa simba. 7Asi tinotaura ʋucenjeri bgaMŋari bgakaʋanzika, bgakafukidzwa, bgakatemerwa kubginya kweɗu naMŋari, nyika isati yaʋa’po; 8bgusina‐kuzikanwa nomumŋe waʋaɓati ʋenyika ino; nokuti ɗai ʋaibguziʋa, ʋaŋgaɗai ʋaisaroʋera Ishe wokubginya pamucinjikwa. 9Asi seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi:
Iɀo ɀisina‐kuʋonekwa neziso, kana kunzwika nenzeʋe,
Neɀisina‐kupinda mumŋoyo womunhu,
Ndiɀo Mŋari ɀaakagadzirira ʋanomuɗa.
10Nokuti Mŋari wakaɀiratidza iɀo kwatiri isu noMŋeya; nokuti Mŋeya unonɀera ɀose, neɀakadzika ɀaMŋari. 11Nokuti munhu ndoupiko unoziʋa ɀomunhu, asi mŋeya womunhu uri maari? Saiɀoɀo hakunomunhu unoziʋa ɀaMŋari, asi Mŋeya waMŋari. 12Ɀino isu hatina‐kugamucira mŋeya wenyika, asi Mŋeya unobva kunaMŋari; kuti tiziʋe iɀo ɀatakaŋgopiwa heɗu naMŋari. 13Ndiɀo ɀatinotaura ʋo, tisiŋgatauri namashoko atinodzidziswa noʋucenjeri bgomunhu, asi anodzidziswa noMŋeya; ticiɗudzira ɀinhu ɀoMŋeya kuʋanhu ʋoMŋeya. 14Ɀino munhu seɀaakaɓerekwa haagamuciri ɀinhu ɀoMŋeya waMŋari; nokuti ʋupenzi kwaari; haaɀinzwisisi, nokuti ɀinonzwisiswa noMŋeya. 15Asi uri woMŋeya unonzwisisa ɀose, asi iye amene haanzwisiswi nomunhu. 16Nokuti ndianiko wakaziʋa muraŋgariro waShe, kuti amudzidzise? Asi isu tinomuraŋgariro waKristu.
Currently Selected:
I ƲaKorinte 2: SUB1949
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018