Mavambo 4

4
Kaini naAbhero
1Adhamu akaziva mukadzi wake Evha. Evha akabva ava napamuviri akabereka mwana mukomana, Kaini. Akati, “Ndabatsirwa naTenzi kuwana mumwe munhu.” 2Akaberekazve munun'una wake Abhero. Abhero akazova mupfuwi wehwai, Kaini ari murimi. 3Gare gare Kaini akaunza zvimwe zvirimwa zvake akapira kuna Tenzi. 4Abhero akaunzawo nyama yakakora yehwayana pahwayana dzake sheshe dzamatangwe. Tenzi akafadzwa naAbhero nomupiro wake. 5Asi haana kufadzwa naKaini kana nomupiro wake. Kaini akatsamwa zvikuru akafundumwara. 6Tenzi akabvunza Kaini achiti, “Watsamwireiko? Wapfundumwarireiko? 7Handiti kana ukaita zvakanaka unogamuchirwawo here? Asi nokuti hauna kuita zvakanaka, chitadzo chakugaririra pamusuo, chichikutsvaka. Asi iwe unofanira kuchikunda, uchitonge.”
8Kaini akazotaurirana nomunun'una wake Abhero achiti, “Ngatimboendaika zvedu musango.” Ikoko Kaini akamukira munun'una wake, Abhero akamuuraya.
9Mwari akazobvunza Kaini achiti, “Ko munun'una wako, Abhero aripiko?” Kaini akati, “Handizivi. Ko ndini muchengeti womunun'una wangu here?”
10Mwari akati, “Ko izvozvi uri kuti waiteiko? Ropa romunun'una wako radeukira pasi, riri kuchema kwandiri. 11Chinzwa, wapinda rushambwa rwokudzingwa munyika ino yashama muromo wayo ikanwa ropa romunun'una wako rawadeura, iyewe noruoko rwako. 12Kana ukarima, nyika hapana chainokupa. Uchava swerakuenda nomudzungairi panyika.” 13Kaini akapindura Tenzi achiti, “Chirango chamanditemera chakanyanya kukura zvokuti handikwanisi kuchitakura. 14Chionaika kuti zvamandidzinga munyika ino ndichandotambura ndiri kwamusinganditariri, kwandichava swerakuenda nomudzungairi panyika. Ani naani anosangana neni achandiuraya.”
15Asi Tenzi akati, “Kwete. Ani naani anenge auraya Kaini anotsiviwa kakapetwa kanomwe.” Tenzi akaisa Kaini rupawo kuitira kuti munhu anenge azomuona arege kumuuraya. 16Kaini akabva paiva naTenzi akandogara kunyika yainzi Nodhi yaiva kumabvazuva kweEdheni.
17Kaini akasangana nomudzimai wake. Mudzimai wake akabva ava napamuviri ndokubereka Enoki. Akavaka guta akaritumidza zita romwana wake rokuti Enoki. 18Enoki akabereka Iradhi, Iradhi akabereka Mehuyaeri. Mehuyaeri akabereka Metushaeri. Metushaeri akabereka Rameki. 19Rameki aiva navakadzi vaviri, mumwe ainzi Adha mumwe achinzi Zira. 20Adha akabereka Jabhari, ndiye aiva baba vavanhu vanogara mumatendhe vanochengeta zvipfuwo. 21Munun'una wake ainzi Jubhari, ndiye akatanga kuridza madimbwa nenyere. 22Zira akabereka Tubharikaini, mupfuri wesimbi dzendarira noutare. Hanzvadzi yaTubharikaini yainzi Naama.
23Rameki akati kumadzimai ake:
“Adha naZira, ndinzwei.
Imi vakadzi vaRameki teererai zvandava kureva.
Ini pachangu ndakauraya murume akandikuvadza,
kunyange iye akandidenha aiva chigwindiri chaicho.
24Kana kuuraya Kaini kuchitsiviwa kakapetwa kanomwe,
kuuraya ini kunotsiviwa makumi manomwe akapetwa kanomwe.”
Seti naEnoshi
25Adhamu nomudzimai wake vakaberekazve mumwe mwana mukomana. Evha akamutumidza zita rokuti Seti achiti, “Mwari andipa zvakare mumwe mwana panzvimbo yaAbhero uya akaurayiwa naKaini.” 26Seti akabereka mwana mukomana akamutumidza zita rokuti Enoshi. Panguva iyoyo vanhu vakatanga kunamata Tenzi.

目前选定:

Mavambo 4: SCLBC

高亮显示

分享

复制

None

想要在所有设备上保存你的高亮显示吗? 注册或登录

YouVersion 使用 cookie 来个性化你的体验。使用我们的网站,即表示你同意我们根据我们的隐私政策来使用 cookie。