Mavambo 5

5
Zvizvarwa zvaAdhamu
1Haanoi mazita ezvizukuru zvaAdhamu. Mwari paakasika munhu, akamusika akafanana naiye Mwari pachake. 2Akavasika vari munhurume nomunhukadzi, akavakomborera akavatumidza kuti vanhu paakavasika. 3Adhamu akagara makore zana namakumi matatu ndokubereka mwana mukomana akafanana naye, akamutumidza kuti Seti. 4Akazoberekawo vamwe vana, vakomana navasikana. Mushure mokubereka Seti, Adhamu akazogarazve mazana masere amakore. 5Saka ose pamwechete, Adhamu akagara mazana mapfumbamwe amakore ana makore makumi matatu, ndokuzofa zvake.
6Seti akagara zana ramakore namakore mashanu ndokubereka Enoshi. 7Seti akaberekawo vamwe vana, vakomana navasikana. Mushure mokubereka Enoshi, Seti akagarazve mazana masere amakore ana makore manomwe. 8Saka ose pamwechete, Seti akagara mazana mapfumbamwe amakore ana makore gumi namaviri ndokuzofa zvake.
9Enoshi akagara makumi mapfumbamwe amakore ndokubereka Kenani. 10Enoshi akazoberekawo vamwe vana, vakomana navasikana. Mushure mokubereka Kenani, Enoshi akazogarazve mazana masere amakore namakore gumi namashanu. 11Saka ose pamwechete, Enoshi akagara mazana mapfumbamwe amakore ana makore mashanu, ndokuzofa zvake. 12Kenani akagara makumi manomwe amakore ndokubereka Mahararieri. 13Kenani akaberekawo vamwe vana, vakomana navasikana. Mushure mokubereka Mahararieri, Kenani akazogarazve mazana masere ana makumi mana amakore. 14Saka ose pamwechete, Kenani akagara mazana mapfumbamwe ane gumi ramakore, ndokuzofa zvake.
15Mahararieri akagara makumi matanhatu amakore ana makore mashanu akazobereka Jaredhi. 16Mushure mokubereka Jaredhi, Mahararieri kagara mazana masere ana makumi matatu amakore, akaberekawo vamwe vana, vakomana navasikana. 17Saka ose pamwechete, Mahararieri akagara makore mazana masere ana makumi mashanu, ndokuzofa zvake.
18Jaredhi akagara zana rina makumi matanhatu amakore namakore maviri ndokubereka Enoki. 19Jaredhi akaberekawo vamwe vana, vakomana navasikana. Mushure mokubereka Enoki, Jaredhi akazogarazve mazana masere amakore. 20Saka ose pamwechete, Jaredhi akagara mazana mapfumbamwe ana makumi matanhatu amakore ana makore maviri ndokufa zvake.
21Enoki akagara makumi matanhatu amakore ana makore mashanu, ndokubereka Metushera. 22Mushure mokubereka Metushera Enoki akanyatsowadzana naMwari kwamazana matatu amakore, akaberekawo vamwe vana, vakomana navasikana. 23Saka ose pamwechete, Enoki akagara mazana matatu amakore ana makore makumi matanhatu namashanu. 24Enoki ainyatsowadzana naMwari, ndokubva anyangarika nokuti Mwari akamutora.
25Metushera akagara zana rine makumi masere amakore ana makore manomwe vakazobereka Rameki. 26Metushera akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana. Mushure mokubereka Rameki, Metushera akazogarazve mazana manomwe ana makumi masere amakore ana makore maviri. 27Saka ose pamwechete, Metushera akagara mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu amakore ana mapfumbamwe ndokuzofa zvake.
28Rameki akagara zana namakumi masere amakore ana makore maviri, akaberekawo mwana mukomana 29waakatumidza zita rokuti Nowa, achiti, “Mwana uyu ndiye achatizorodza mwoyo pabasa redu rakaoma ratinotambura tichiita namaoko edu zvakakonzerwa nenyika yakapiwa rushambwa naTenzi.” 30Rameki akaberekawo vamwe vana, vakomana navasikana. Mushure mokubereka Nowa, Rameki akazogarazve mazana mashanu ana makumi mapfumbamwe amakore ana makore mashanu. 31Saka ose pamwechete, Rameki akagara mazana manomwe ana makumi manomwe amakore ana makore manomwe, ndokuzofa zvake.
32Nowa akagara mazana mashanu amakore ndokubereka Shemu naHamu naJafeti.

目前选定:

Mavambo 5: SCLBC

高亮显示

分享

复制

None

想要在所有设备上保存你的高亮显示吗? 注册或登录

YouVersion 使用 cookie 来个性化你的体验。使用我们的网站,即表示你同意我们根据我们的隐私政策来使用 cookie。