Genesi 13
13
Abrama naRoti ʋanoparadzana.
1Ɀino Abrama wakakwira, akabva Egipita, iye nomukadzi wake, neɀose ɀaakaŋga anaɀo, naRoti ʋo anaye; ʋakaenda kurutiʋi rwenyasi. 2Abrama wakaŋga akafuma kwaɀo ŋombe, nesirveri, nendarama. 3Akafamba nzendo dzake acibva nyasi kuȿikira paBeteri, kunɀimbo iya kwaiʋa netente rake pakutaŋga, pakati peBeteri neAi; 4kunɀimbo yeartari, yaakaŋga aita’po pakutaŋga; Abrama akanamata zita raJehova ipapo. 5NaRoti ʋo, iye wakaenda naAbrama, wakaŋga anamakwai, neŋombe, namatente. 6Nyika ikasaʋariŋgana, kuti ʋagare panɀimbo imŋe; nokuti fuma yaʋo yakaŋga iri zhinji; ʋakasagona kugara panɀimbo imŋe. 7Ʋafudzi ʋeɀipfuwo ɀaAbrama naʋafudzi ʋeɀipfuwo ɀaRoti ʋakaita nharo; ʋaKanani naʋaPerezi ʋakaŋga ʋagere panyika iyo. 8Ipapo Abrama akati kunaRoti: Nharo ŋgadzirege kuʋa’po pakati paŋgu newe, napakati paʋafudzi ʋaŋgu naʋafudzi ʋako, nokuti tiri hama. 9Ko nyika yose haizi pamberi pako here? Paradzana hako neni; kana iwe ukaenda kuruɓoshwe, ini ndicaenda kurudyi; kana iwe ukaenda kurudyi, ini ndicaenda kuruɓoshwe. 10Roti akasimudzira meso ake, akaʋona ɓani rose reJoridani, kuti rakaŋga rinemvura pose, Jehova acigere kuparadza Sodoma neGomora; rakaŋga rakaita somunda waJehova, senyika yeEgipita, kana munhu acienda Zoari. 11Roti akaɀitsaurira ɓani rose reJoridani; Roti akaenda kurutiʋi rwamabvazuʋa; ʋakaparadzana haʋo. 12Abrama akagara panyika yeKanani, Roti akagara pamaguta aiʋa kuɓani, akasweɗedzera tente rake kuȿikira paSodoma. 13Ɀino ʋarume ʋeSodoma ʋakaŋga ʋakaipa, ʋaitadzira Jehova kwaɀo‐kwaɀo. 14Ɀino Roti wakati aparadzana naye, Jehova akati kunaAbrama: Simudza hako meso ako ipapo paugere, utarire kurutiʋi rwokumsoro, norwenyasi, norwokumabvazuʋa, norwokumaʋirira; 15nokuti nyika yose yaunoʋona, ndicaipa iwe naʋana ʋako nokusiŋgaperi. 16Ndicaita ʋana ʋako seguruʋa renyika; kuti kana kunomunhu unogona kuʋereŋga guruʋa renyika, naʋana ʋako ʋaŋgaʋereŋgwa ʋo. 17Simuka, ufambe nenyika pakureɓa kwayo, napaʋupamhi bgayo, nokuti ndicakupa iyo. 18Ipapo Abrama wakabvisa tente rake, akandogara pamiti yemiouki yeMamre, iri paHebroni, akaʋakira’po Jehova artari.
Àwon tá yàn lọ́wọ́lọ́wọ́ báyìí:
Genesi 13: SUB1949
Ìsàmì-sí
Pín
Daako
Ṣé o fẹ́ fi àwọn ohun pàtàkì pamọ́ sórí gbogbo àwọn ẹ̀rọ rẹ? Wọlé pẹ̀lú àkántì tuntun tàbí wọlé pẹ̀lú àkántì tí tẹ́lẹ̀
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018