Tiri Vamwe Muna KristuChikamu
Takaponeswa Nekutenda
Kunyange zvichiita sezvisingagamuchirike pakutenda nekuda kwekuona kwedu panyama, makristu vanoonekwa naMwari sevana vake. Vanotorwa sevana kubudikidza naJesu. Tiri vana vake nokutenda, kwete nekuda kwekuchengeta murairo. Avo vanotsvaka kuva vana vake nekuchengeta murairo vari kufamba nenzira isiriyo.
Kana tichinge tangotenda muna Mwari, tinova vana vake. Apa tinoona mutsauko pakati pevatendi veTestamende yakare neitsva. Upenyu pasi pemurairo vaiwa unhapwa; upenyu muna Kristu unoonekwa nekusunungurwa kunouya nekuva vana vaMwari. Sevadyi venhaka, tine kodzero sevana nekuti zvinoita kuti tiwane nhaka yedu. Sezvatakatenda muna Mwari nokuda kwerutendo, ngatifare nekufarira mukana watakapiwa wekugara nhaka.
Tinofanira kuzvibvunza kuti tine kutenda kwakakwana here muna Mwari. Hazvikwanisiki kuti tive vadyi venhaka kana takaparadzaniswa naMwari nekuda kwezvivi. Hatingakwanisi kuva vana vake chaivo kana kana tichiri kurarama sevanhu vemunyika. Mumwe nemumwe anofanira kugadzira ukama hwakanaka naMwari kuti ivo Mwari vagofadzwa nesu, kuti tisvike pakuva vamwe vemhuri yake Mwari.
Munamato: Mwari wedu wekudenga, tinokutendai nekutitora kuva vana venyu. Tinosimudza kutenda kwedu kuti tive vana venyu vechokwadi. Sukai zvivi zvedu nekutipa simba kuti tirege kudzoka kuupenyu hwakare hwekusakuzivai. Ndinonamata Mwari nekuda kwerudo rwenyu nekutigamuchira. Tinonamatira kuchengetedzwa kweupenyu hwedu nekurarama sevana venyu. Muzita raJesu. Ameni.
Kuwedzera Kuverenga: Johani 1:12, VaRoma 8:14, 1 Johani 3:1
Rugwaro
Zvinechekuita neHurongwa uhu
VaGaratiya vechitatu anopa shoko rinesimba pamusoro pekukosha kwekutenda kwedu neukama hwdu naMwari. Kutenda uku hakuna kungopiwa vanhu vashoma chete, asi kunoenderera kumarudzi, mumagariro, nekusiyana kwevanhu, zvese zvichitibatanidza muna Kristu. Chinosimbisisa kuti hatina kuponeswa nesimba redu, asi nekutenda muna Jesu Kristu. Chitsauko chinotaura nezvekusunungurwa, nekunongedzera kusununguka kwatinoona muna Kristu.
More
Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL