Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Hunhu weuMwariChikamu

Hunhu weuMwari

ZUVA 3 REMAZUVA 3

Bhaibheri rinombitii pamusoro peunhu wehuMwari

Chitsauko chekutanga muBhaibheri, Mwari anotiudza chinangwa chake chekusika munhu; Mwari akasika munhu nemufananidzo wake. Munhu ofanana naMwari. Izvizvinoreva kufanana naye kunyangwe pamweya zvichiita tizive hunhu hwaMwari tova saye. Kuburikidza nekurarama nezvatinosangana nazvo tinoshandurwa tofanana naye tova chikamu chemhuri yake.

Chii chatingaite kuti titsvake humambo hwaMwari kutonga? Tingaita sei kuti tiise Mwari avewekutanga pazvose muhupenyu hwedu? Ndizvipi chaizvo zvatingaite zvinobatika pakurarama nehuMwari? Kutsvaka Mwari ndomhinduro kumadambudziko edu. Chekutanga chatingaite kunamata. Iyi ndonheyo yekuva nehukama naMwari apo tinoramba tichitaura naye, zvinoita kuti Mwari atore nzvimbo yake toteerera zvaanotaura. Hakuna Hama kana shamwari ingakunda Mwari muupenyu hwedu. Hukama naye zvinotibatsira kukunda zvatinosangana nazvo mukurarama. Mwari akagadzira mukana wekuti tiyanane naye kuburikidza nekunamata. Izvi zvinotibatsira kuumba hukama naye. Patinonamata tinovanaye muhuvepo hwake, uye towana mukana wekuti Mwari anosikira hunhu hwake matiri, sezvinoita simbi kurodza imwe simbi.

Zuva 2

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Hunhu weuMwari

Kuva nehunhu wehuMwari atizviite toga kana kuti kubhadharwa nekuda kwemabasa. Izvi zvinoitwa bedzi naMwari paanenge achitishanda kubva mumunhu wemukati. Iyi dzidziso yeunhu haichanyanyotaurwa nezvayo asi ine zvainoita zvakawanda muchiKristu chedu. Jesu akava muenzaniso wehupenyu uhu akakwanisa kuita kuti utapukire muvadzidzi. Izvi zvakaonekwa paakaenda kudenga kuti vanhu vakazoti vachiona vadzidzi vakavatumidza kuti ma Kristu nekuti vaiona unhu waKristu mavari. Chidzidzo chino chichabata nyaya iyi kwete muhudzamu hwayo.

More

Tinoda kutenda Operation Mobilisation nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.linkedin.com/in/tinashe-mafuta-44996819a/?originalSubdomain=zw