Hunhu weuMwariChikamu
Zvakakoshera unhu hweuMwari
Vanhu vakawanda kusanganisira varume nevakadzi vakadzidzisa pamusoro kwekukosha kwenyaya yehunhu hweuMwari kunyanya vakanangana neavo vanova vatungamiri pabasa raMwari. Mabhuku akanyorwa akawanda pamusoro pedzidziso ino. Hunhu weuMwari hunoonekwa sechimwe chezvakakosha pakuvaka hukama hunekuvimbika. Peturo anotiudza zvatakapiwa naShe zvirimaringe nehupenyu and huMwari burikidza nekuziva Kristu nezvaakavimbisa. Anobva azotibatsirazve kuona zvatinofanira kuita kuti tirambe tichikura muhuMwari zvinosanganisira kuva nekutenda. Anotikurudzira nekutiratidza zvinoitika kana tikararama muhuMwari kunyanya munguva yatiri irinyore kuteedzera zvirikuitwa nevamwe zvisingafadzi Mwari. Tinova nekugutsikana mukuziva kuti upenyu hwedu hunoita zvibereko zvakawanda kana tikararama nohuMwari. Izvi zvinotipa rusimbiso rwekuti takasarudzwa naye hatingawire pas iasi tichazara nemufaro patichapinda mukugara naye nekusingaperi.
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Kuva nehunhu wehuMwari atizviite toga kana kuti kubhadharwa nekuda kwemabasa. Izvi zvinoitwa bedzi naMwari paanenge achitishanda kubva mumunhu wemukati. Iyi dzidziso yeunhu haichanyanyotaurwa nezvayo asi ine zvainoita zvakawanda muchiKristu chedu. Jesu akava muenzaniso wehupenyu uhu akakwanisa kuita kuti utapukire muvadzidzi. Izvi zvakaonekwa paakaenda kudenga kuti vanhu vakazoti vachiona vadzidzi vakavatumidza kuti ma Kristu nekuti vaiona unhu waKristu mavari. Chidzidzo chino chichabata nyaya iyi kwete muhudzamu hwayo.
More
Tinoda kutenda Operation Mobilisation nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.linkedin.com/in/tinashe-mafuta-44996819a/?originalSubdomain=zw