Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Sarudzo dzine huMwariChikamu

Sarudzo dzine huMwari

ZUVA 3 REMAZUVA 3

Zvisarudzo Zvinodhura

Sezvakangotaurwa pazuva rekutanga, sarudzo yese yatinoita ingave yakanaka kana yakaipa ine zvainokonzeresa zvingave zvakaipa kana zvakanaka patiri uye nguva zhinji zvichienda kune avo vakatipoteredza. Sarudzo dzakaitwa nemumwe munhu dzakakonzera kusuwa kukuru, kurwadziwa uye kusuwa kwavari uye nepasi rose. Munhu anogonazve kuwana mubairo pasarudzo yekuzvidemba nekuzvishora kana aita sarudzo dzakaipa . Zvimwe zveizvi zvakaipa zvinokonzeresa zvinogona kugadziriswa nepo zvimwe zvisingadzoreki. Sarudzo dzakaipa idzi dzinogona kurondwa kusvika pasarudzo yakaitwa naEvha yekudya muchero womuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, paakarega kuteerera Mwari ndokubudisa uipi panyika. Ndicho chikonzero nei tichifanira kuedza kuchengeta mazwi aIshe kunyanya munguva dzatinosangana nemiedzo yakaita sekuoma kwehupfumi, nyaya dzehutano, dambudziko remari, kukunda mhosva pakati pezvimwe. Tinofanira kubvumira shoko raMwari kuti riite zvarinoita muupenyu hwedu kana tichizosarudza zvakarurama. Sarudzo dzakaipa dzichatiwisira pasi zvisinei nekuti sarudzo idzi idiki kana kuti hadzina basa sei.

Dhavhidhi uyo akanga ari murume aifarira zvaidiwa nemwoyo waMwari akasara kumba uye akaita sarudzo inodhura munguva iyo madzimambo anoenda kuhondo. Kunyange zvazvo aida Mwari, akawira muruchiva, upombwe, nokuponda. Sarudzo iyi yakakwezva mhedzisiro yekurasikirwa nemwana uye matambudziko mazhinji mumba make. Musarudzo dzedu, tinofanira kudzidza kuva panzvimbo chaiyo panguva chaiyo, tichivimba nokutungamirira kwaShe. Soromoni uyo akanga ari mwanakomana waDhavhidhi, kunyange zvazvo murume akachenjera zvikurusa ati amborarama pasi pano akaitawo zvisarudzo zvisina kururama. Soromoni akaroora vakadzi vakaipa uye vakanga vasingadi Mwari vakatsausa mwoyo wake pana Mwari. Akomborerwa nepfuma nouchenjeri hunopfuura hwomunhu, haana kuhushandisa pakusarudza wokuroora. Paakazoziva izvi, akataura muna Zvirevo kuti kutya Jehovha ndiko kuvamba kwouchenjeri. Tinofanira kubvumira kutya Ishe kutungamirira sarudzo dzedu. Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni akaitawo chisarudzo chisina kururama chokuteerera vezera rake panzvimbo pevakuru veIsraeri. Shamwari idzi dzakamupa zano rakaipa raakateerera. Sezvineiwo, zvakazoita kuti humambo huve nepakati. Tinofanira kuzvipoteredza neshamwari dzakarurama nepesvedzero. Bhaibheri rakazara nouchenjeri hwaMwari rinokwanisa kutitungamirira mukuita zvisarudzo zvakanaka panguva dzose dzatinotarisana nenhau. Ngatiyere sarudzo yese neshoko raMwari, tichivimba neMweya waMwari kuti utibatsire kuziva kuda kwaMwari muhupenyu hwedu.

Zuva 2

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Sarudzo dzine huMwari

Zuva nezuva, tinosangana nesarudzo dzekuita uye dzinoratidza neimwe nzira mwero wekutenda kwedu uye kuvimba kwedu muna Mwari. Chii chinopesvedzera sarudzo dzatinoita zuva nezuva? Ndedzipi sarudzo dzinogona kutiswededza pedyo naMwari kana kutidzinga kure naye? Chii chinokosha pakuramba tichiita sarudzo dzokuchenjera, dzeuMwari? Vamwe vanhu vomuBhaibheri vakaita sarudzo dzaidiwa naMwari uye vamwe vakaita sarudzo dzisina kururama dzinodhura. Chidzidzo chino chinoda kupindura mibvunzo iyi uye kuongorora vamwe vevanhu vemuBhaibheri ava.

More

Tinoda kutenda Operation Mobilisation nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.linkedin.com/in/tinashe-mafuta-44996819a/?originalSubdomain=zw