Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Sarudzo dzine huMwariChikamu

Sarudzo dzine huMwari

ZUVA 2 REMAZUVA 3

Sarudzo dzaMwari

Takatanga kuona kubva mukudzidza kwedu kwekupedzisira kuti hupenyu hwedu hwesekwete hwenyama chete asi hwepfungwa, uye hwemweya tinofanira kuita sarudzo. Zvimwe zvezvinhu izvi hatigoni kudzora asi Mwari vakatipa rusununguko rwekuita sarudzo,zuva rega rega, rinoumba uye rinotungamira nzira yehupenyu hwedu. VaIsraeri pavakanga vava kuda kupinda muNyika Yakapikirwa, Joshua akavapa sarudzo mbiri —upenyu norufu. Uye akavarayira kuti vasarudze upenyu. Sarudzo dzatinoita dzinotiswededza pedyo kana kure kure nekuda kwaMwari. Sarudzo dzatinoita dzinofanirwa kukudza Mwari uye kufambisa hupenyu hwedu munzira yakanaka. Patinosarudza kuteerera uye kukudza shoko raMwari, tinogona kuva nechokwadi chokunakidzwa noupenyu uye kusvika pakukwanisa kwatakapiwa naMwari.

Vakapararira mumagwaro varume nevakadzi vakasarudza kukudza Mwari nezvavaisarudza kuita. Joshua akaita sarudzo dzakawanda muupenyu hwake. Akasarudza kugamuchira kudanwa kwaMwari kuti atungamirire vanhu mushure mekufa kwaMosesi. Joshua akasarudza kushumira Jehovha uye akakurudzira vaIsraeri kuti vaitewo saizvozvo. Izvi zvinoratidza kutenda kwake kusingazununguki muna Mwari. Sarudzo yake yose yaibva yaita kuti zvinhu zviitike muhupenyu hwake nevaya vakamupoteredza. Akasarudza kutenda kunyange munguva dzisina chokwadi. Abrahama akasarudza kubayira mwanakomana wake mumwe bedzi apo Mwari akamuudza kudaro, kunyange zvazvo wakanga uri muedzo gare gare. Asi zvose zvakaitwa naAbrahamu zvinoratidza kuteerera kwake kwakakwana uye kuvimba kwakakwana muuyo akamupa chipo ichocho chinokosha, asina hanya nerevo yacho. Esteri akasarudza kutaura namambo zvisinei kuti zvaive nenjodzi uye kusava nechokwadi nezvaizoitika kwokuenda kuna mambo asina kukokwa. Akabuda nekutenda kuti vanhu vake vapone uye akanzwirwa nyasha zvikuru. Noushingi uye nokutenda, akatsigira zvakarurama kunyange zvazvo zvakanga zvine ngozi uye zvakanga zvisina kugadzikana.

Nenzira imwe cheteyo, Dhanieri neshamwari dzake nhatu vakasarudza kusazvisvibisa nezvokudya zvoumbozha zvaiva patafura yemadzimambo, zvichiratidza kuteerera kwavo kwakasimba kumitemo yaMwari waIsraeri. Izvi zvinoratidzawo kuti sarudzo yakanakisisa haisi nguva dzose iri nyor. Dzimwe nguva mugwagwa unosurukirwa uye wakamanikana. Mwari akavakudza nekuvaita vari nani zvakapetwa kagumi pane vakaenzana navo. Petro akasarudza kugadzira nzira yeungano yechiKristu inosanganisirwa uye yakasiyana-siyana sokuratidzwa kwaakaitwa naIshe muchiratidzo achimugadzirira kusangana naKoneriyasi. Akapikisa tsika dzevanhu uye akakunda vateereri vakawanda kuna Ishe. Musarudzo yese yatichange tichiita nhasi, ngatiite Ishe pamberi pedu. Kuti sarudzo dzedu dzigova pamusoro paKe, dzichivakirwa paShoko.

Zuva 1Zuva 3

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Sarudzo dzine huMwari

Zuva nezuva, tinosangana nesarudzo dzekuita uye dzinoratidza neimwe nzira mwero wekutenda kwedu uye kuvimba kwedu muna Mwari. Chii chinopesvedzera sarudzo dzatinoita zuva nezuva? Ndedzipi sarudzo dzinogona kutiswededza pedyo naMwari kana kutidzinga kure naye? Chii chinokosha pakuramba tichiita sarudzo dzokuchenjera, dzeuMwari? Vamwe vanhu vomuBhaibheri vakaita sarudzo dzaidiwa naMwari uye vamwe vakaita sarudzo dzisina kururama dzinodhura. Chidzidzo chino chinoda kupindura mibvunzo iyi uye kuongorora vamwe vevanhu vemuBhaibheri ava.

More

Tinoda kutenda Operation Mobilisation nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.linkedin.com/in/tinashe-mafuta-44996819a/?originalSubdomain=zw