Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuwana Makomborero Nekuda KwekuteereraChikamu

Kuwana Makomborero Nekuda Kwekuteerera

ZUVA 3 REMAZUVA 3

Vakaropafadzwa Vanyoro

Gonhi remufaro wechokwadi rakazarirwa zvakapetwa kaviri. Zvinoda svombonoro mbiri kuti tigone kuvhura. Jesu akatipa svombonoro mbiri muchidzidzo ichi, dzinova kuzvininipisa nenhaka. Unyoro hakusi kupusa. Shoko rekuva munyoro rinotsanangura munhu, kubudikidza nerudo nekuteerera, anogashira zvinopiwa pamwe nekutungamirwa naMwari. Iye achararama nekuda kwesimba rinobva kuna Mwari uye neuvapo hwaMwari paupenyu hwese. Nokudaro unyoro zvinoda kugashira nekubvuma kutungamirwa. Mufaro unovapo mukuvimba naMwari nekubvuma kutungamirwa naye.

Svombonoro yechipiri, kugara nhaka yenyika nekuda kwaJesu zvinodarika kungogara kwenguva diki panyika, asi upenyu nekuzara kwawo panyika. Jesu akaona zvose zvaaikwanisa kuzadzisa nokuda kweupenyu, rufu, kumuka kwake nekuvapo kwake apo aizova Ishe wenyika yose. Nhasi uno tinoziva nhaka yedu. Tiri vadyi venhaka “pamwechete naKristu.” Zvose zvatinoda zviripo. Chii chimwe chatingada? Ushe hwaMwari ndiko kutonga kwake, uye upenyu usingaperi ndihwo ukama naMwari unotanga iko zvino usingakundwe kunyange nerufu. Tichawana zvose zvatinoda muzvimiro zvose zveupenyu.

Zvigadzirire nhasi kugara mumufaro wekuva muutongi nemuumambo hwaKristu uzvitsvagire nhaka semunhu anodiwa uye akaregererwa zvivi, semunhu akasarudwa.

Munamato: Mwari wekudenga, ndinouya kwamuri nhasi, ndichida nhaka iyo makapa kwatiri kubudikidza mushoko renyu. Ndinonamata kwamuri Ishe kuti nemweya uri matiri utibatsire kuva vanyoro munzira dzose. Ndinoda kuva munyoro kuti ndikwanise kuzogara nhaka yenyika, neye upenyu unouya. Ndikomborerei nemakomborero ose ekudenga. Muzita raJesu ndinonamata. Ameni.

Kuwedzera Kuverenga: Mateo 25:34 | Mateo 19: 29 | VaEfeso 1:18.

Rugwaro

Zuva 2

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Kuwana Makomborero Nekuda Kwekuteerera

Mushoko riripo muna Mateo 5, Jesu ari kuisa pachena unhu hwemunhu anoda Mwari. Kusimbisa kwake hakusi kwekuisa mutemo, asi zviri kubva pakuteerera Mwari kuri kudaira nemoyo, nepfungwa kurudo rwaakatipa, tiri mukudanana nevavakidzani vedu. Chokwadi ichi chinokoshera pakuti chinotipa chikristu chizere chinotitungamirira kuenda kuupenyu usingaperi.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutarenekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL