Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuwana Makomborero Nekuda KwekuteereraChikamu

Kuwana Makomborero Nekuda Kwekuteerera

ZUVA 2 REMAZUVA 3

Vakaropafadzwa Vanochema

Kana tichichema, Ishe vanotinyaradza. Zvinorehwa neshoko rekuti kunyaradza zvinosanganisira hukama hwatinahwo naMwari. Ndiye Munyaradzi wedu anouya kwatiri munguva dzatinenge tichida rubatsiro. Jesu wakatimirira, nekutiregerera, nekutida. Munyaradzi wedu ane rudo nesu kudarika zvatinofunga. Mubatsiri wedu anomira nesu. Anowa zvakare murwiri wedu munguva dzematambudziko ehupenyu.

Mweya mutsvene, Ishe anesu ndiye Munyaradzi. Zvose zvaanoda kuita kwatiri zvinouya nekuda kwezodzo iri matiri. Mufaro munaMwari hakusi kungomuziva chete asi uri mukuzadzwa neMweya Mutsvene. Ndicho chakawanzika chaJesu chaanoda kuti tigoziva. Tinonyaradzwa ndokunge tatendera kuchema pamberi paMwari. Kuchema uku kuunza zvivi zvedu pamberi pake. Zvinotipa zvakare kunzwira vamwe tsitsi mukutambudzika nemumarwadzo ehupenyu hwawo. Patinochema mukutambudzika munyika yatinogara tinobatikana pamwe chete naMwari pamusoro pavanhu vanomukirana nevanozvikudza.

Patinotsvaga hukama hwakanaka naMwari nevanhu, tinemashoko anotsanangura mufaro. Hakuna mufaro unogara kana tisina kuratidza kuregerera vanhu mukugarisana kwedu sevanhu. Kuna Mwari tinoti, “Baba, Ndiregererei!” Kwatiri tinoti, “Ndazviregerera” Kune vamwe munamato wedu ndeuyu, “Baba Varegererei!” Ndizvo zvinoreva kuchema pamberi paMwari. Vakakomborerwa zvavo vanoda kuregererwa.

Munamato: Ishe Jesu, ndinouya kwamuri panguva ino. Ndinokutendai nechivimbiso chatinoona mushoko renyu chekuti takakomborerwa kana tichichema nekuda kwekutadza kwedu. Tinokumbira kuregererwa kwekutadza kwedu. Kunyaradza kwenyu ngakuve kwandiri kuti ndikwanise kunzwa kusununguka kwamuri. Muzita raJesu rinokosha. Ameni.

Kuwedzera Kuverenga: VaRoma 5:3,4 | VaHeberu 12:11 | 2 VaKorinde 7:10.

Rugwaro

Zuva 1Zuva 3

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Kuwana Makomborero Nekuda Kwekuteerera

Mushoko riripo muna Mateo 5, Jesu ari kuisa pachena unhu hwemunhu anoda Mwari. Kusimbisa kwake hakusi kwekuisa mutemo, asi zviri kubva pakuteerera Mwari kuri kudaira nemoyo, nepfungwa kurudo rwaakatipa, tiri mukudanana nevavakidzani vedu. Chokwadi ichi chinokoshera pakuti chinotipa chikristu chizere chinotitungamirira kuenda kuupenyu usingaperi.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutarenekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL