Murwi WechikristuChikamu

Murwi Wechikristu

DAY 3 OF 3

Pinda Mukati Mekurwa

Kuverengwa kwevabati vane simba, vemweya yakaipa yemuchadenga kunotipa chidimbu chekuona zvinoshandiswa naDhiyabhori. Mweya iyi yakaipa yemuchadenga ine simba kwazvo mukubata zviri mukati menyika yerima rino.

Hondo yemukristu haisi yezvinhu zvinobatika munyika ino. Hondo yedu ndeye mweya mukurwisana nemweya yaSatani inonyengera. Anoda kushandura unhu hwevanhu hwakanaka kuti vararame nezvinodiwa naye izvo zvinopesana nekuda kwaMwari. Kana unhu uhwu hwangoshanduka, munhu anenge orarama upenyu unonetsa kuti adzoke pakunaka.

Panobikwa zvakaipa zvese munyika ino ndipo pana Satani nemadhimoni ake uyo ari pabasa rekuda kuparadza basa raMwari muna Jesu. Kubudikidza nekunyengera, Satani akamisa mamwe mapatomunyika anoudzira vanhu zvekuita kuti vapandukire nharaunda kuti vabve muchokwadi cheshoko raMwari. Makristu anofanira kungwarira kuti Satani ari kurarama uye achishanda munyika neunyengeri hwose.Kuti tingwarire izvi, chinofanira kutanga kugadzirira zvakakwana kuti tisaendeswa kure nezvatakatenda mazviri.

Kune nzira imwe chete yekuti tikwanise kukunda muvengi wedu uyo anoda kubvisa kutenda kwedu muna Jesu Kristu, inzira inouya neMweya Mutsvene waMwari uyo unoshanda muvatendi. Isu tiri muna Kristu kunyange iye ari matiriwo. Nokudaro tinofanira kurwisa muvengi uyu nezvombo zvemweya zvaakatipa, kubudikidza neshoko raMwari neminyengetero yose.

Munamato: Mwari baba wedu, tinokutendai naJesu Kristu uyo maari tine kukunda pamusoro pezvakaipa zvinesimba zvenyika ino. Tibatsirei Mwari kuti tikwanise kuziva kuti tinokunda muvengi uyu kubudikidza naKristu. Tinotenda nekutipa zvombo zvakakwana. Tibatsirei tirarame mamuri nguva dzose. Muzita raJesu. AMENI.

Kuwedzera Kuverenga: Johani 18:36-38|1 Timotio 4:1-2| Jobo 1:7.

Zuva 2

About this Plan

Murwi Wechikristu

Satani anofara kana tichipomera vanhu kana mapoka avo pakukonzera kupesana pakati pehama. Iye haadi kuzikanwa kuitira kuti arambe achiita mabasa ake erima asingabatwi. Nzira dzaanoshandisa ndidzo dambudziko kuvanhu. Muchinyorwa ichi, tinoona pachena kuti hausi urongwa hwenyika chete unokonzera matambudziko, asi masimba emadhimoni. Nokudaro panoda kurwisa kukuru pahondo yemweya yakadai.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanyira: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL