Murwi WechikristuChikamu

Murwi Wechikristu

DAY 1 OF 3

Iva nesimba rako rakazara

Satani haade kuti makristu vawe nemufaro muna Mwari. Ari kushanda zvakanyanya masikati neusiku kuti aise pfungwa muvanhu yekuti haisi pfungwa yakanaka yekuva nemufaro iwoyu. Anozvizva kuti tikava nekurumbidza nemufaro muna Mwari, iye achashaya vanhu vaanogona kupa gwezvero. Ane maitiro ari pachena. Anoda kutibata pfungwa kuti tifunge, titaure, nekuita zvinhu zvinopesana nemuraramiro unoda Mwari, tobva tava nepfungwa yekuti nyasha dzaMwari hatikodzerani nadzo.

Moyo yedu nepfungwa dzedu ndiro nhandare yekurwiwa pakati paMwari naSatani. Kunyange isu makristu tisingavi mukati menhandare, tinokwanisa kuwana negwezvero nekusarudza divi. Satani anoda kushandisa mukana apo tinenge tiri mukati mekutambudzika panyama nekuneta pamweya. Anokwanisa kutikwezva kusvika pakufunga kuti Mwari havachakwanise kutida. Patinosuruwara kudaro, iye anotiseka.

Pagara paine kurwisana pakati pezvinhu zvakanaka nezvakaipa paupenyu hweavo vanotsvaga kurarama kwakanaka. Makristu ane kukunda kana akaramba ari pakurwa. Simba remukristu richaramba rakachengetedeka kana akarambira ari pakuyanana naIshe wake ari iye bedzi ane simba redu rekukunda Satani. Kuzvipira kwemukristu mumwe nemumwe kuti arambe ari pakutenda kuri maari. Nechikonzero ichi, Mweya Mutsvene unotungamira Pauro kuti anyore mashoko aya kuti mumwe nemumwe azive nhumbi dzaMwari dzokurwa nadzo dzaanofanira kutora.

Munamato: Mwari vari kudenga, tinouya pamberi pechigaro chenyu chinoera chenyasha nesimba. Tinokutendai kuti makakunda nyika kubudikidza nesimba renyu. Tinonamata tichikumbira simba irori kuti tigone kurwisa muvengi wedu Satani uye kuti tikwanise kumukunda muzita raJesu. AMENI.

Kuwedzera Kuverenga: VaRoma 13:12| 2 VaKorinde 10:3-6| 1 VaTesaronika 5: 8| VaRoma 8:37.

Zuva 2

About this Plan

Murwi Wechikristu

Satani anofara kana tichipomera vanhu kana mapoka avo pakukonzera kupesana pakati pehama. Iye haadi kuzikanwa kuitira kuti arambe achiita mabasa ake erima asingabatwi. Nzira dzaanoshandisa ndidzo dambudziko kuvanhu. Muchinyorwa ichi, tinoona pachena kuti hausi urongwa hwenyika chete unokonzera matambudziko, asi masimba emadhimoni. Nokudaro panoda kurwisa kukuru pahondo yemweya yakadai.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanyira: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL