Jesu Mufudzi AkanakaChikamu
SATANI AMIRIRA KUPARADZA
Avo vafudzi vakakokwa vabati vaSatani. Satani anoziva kuti haana nzvimbo kudenga. Saizvozvo, ari kunyengera vazhinji kuti agoparara navo. Chokwadi, ndiye muparadzi uye muurayi asina kana tsitsi. Vabati vake vanoshandisa chero nzira kuti vakwanise kubata vatendi vaMwari. Havapo pakumira nemakristu mumweya nemuzvokwadi. Vanotiza pavanosangana nezvinovaremera.
Hatifaniri kupa mukana kune vanhu vakadai vasipo pakupa kudya kwemweya kuvatendi. Vanongoda chete kuba nekuparadza vanhu vaMwari. Ngatidzivisei Satani kuti agotitiza. Kuti tikunde muvengi, ngatiraramei tiri muchokwadi cheshoko raMwari. Shoko rinotiudza kuti rakazvikwanira kuti risimbise vanhu vaMwari kubasa rose rakanaka
Ngatisazvidzikisira kuzviisa pasi pemunhu asingararame nechokwadi chaMwari. Kana tichida kuziva Mwari, tinofanira kuziva shoko rake. Kana uchida kuziva chinangwa chake chisati chaitika, unochiziva bedzi uchibatsirwa neshoko rake. Mukuita izvi, Satani haangamire panzira dzedu. Shoko raMwari rinotitondedza pamusoro pezvikwanisiro zvakarurama zvinotsanangura avo vari pazvinzvimbo zvinoremekedzwa, nokudaro zvinoda kuti isu sevatendi tinyatsocherechedza zvakanaka.
Munamato: Mwari vekudenga ndinokutendai neshoko renyu iro rinotiyambira kuti tidzivise Satani. Hatidi kuti tiyanane neavo vanoshandira Satani. Tizadzei nechokwadi cheshoko renyu kuti tikwanise kukura mariri. Tipei maziso emweya kuti tikwanise kuona vafudzi vakatumwa naSatani, nekutipa simba rekukwanisa kuvaramba, muzita rine simba guru raJesu. AMENI.
Kuwedzera Kuverenga: VaEfeso 6:14| Jakobo 4:7| Jobo 6:23.
Rugwaro
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Shoko repachitsauko chegumi rinobuditsa kupfuma, kusimbisa kwemashoko anoratidza Jesu ari Mufudzi Akanaka uye suwo rekupinda naro. Rinoburitsa nyaya yekutungamirwa, kuchengetedzwa, uye neshoko reupenyu hwusingaperi. Kudzidzisa kwaJesu kunobuditsa zvikonzero zvakasiyana zvingafungwa nevanhu, zvikuru pazvidzidzo zvekuenzanisa kutenda nekusatenda kwevanhu. Shoko iri rinopa tondedzo yerudo rwaJesu nekuzvipira kwake, simba reuMwari hwake pamwechete nesimbiso yaanopa kune avo vanomutevera. Rinotisimudzira kuti tinzwe kuda kuteerera izwi rake nekumutevera zvakarurama.
More
Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL