Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jesu Mufudzi AkanakaChikamu

Jesu Mufudzi Akanaka

ZUVA 2 REMAZUVA 3

GARA MUKATI MEBOKA

Makwai aJesu anoziva izwi rake, agomutevera. Mufudzi haabatikane neupenyu hwake, asi uhwo wemakwai. Akagadzirira kufira makwai ake. Kuzvipira kwaJesu kunopesana neuko kwaiitwa nevamwe vatungamiri vezvitendero zvenguva yaJesu.Vakanga vachifanira kuva vatungamiri vehwai dzaMwari paVaJuda, asi vakakundikana zvakanyanya pabasa rawo. Pachinzvimbo chekuti vatungamire sekuda kwaMwari, vakave mbavha nemakororo vachiedza kupinda mumakwai neimwewo nzira, vaine tarisiro yekuzadza homwe dzawo chete.

Pachinzvimbo chekuti vave vatungamiri vakanaka vanoziva makwai, vakava nezvavaingoda kumakwai iwayo, vakava zvikara. Pachinzvimbo chekuti vawe vafudzi vakazvipira kuchengetedza boka kubva kune zvingakuvadza, vakava ivo vanotyira upenyu hwawo. Vakaratidza papfungwa kuva vanhu ‘vakakokwa’; vaibatikana chete nemugove vawo, vasingatarisi zvingadiwa nemakwai.

Nyika yazara nevafudzi vakadaro. Vari kunyengera vanhu vachuvatungamirira kusina kunaka. Vamwe ndiwo vawe kupedzisira vapinzwa muushe hwaSatani. Vari kukandwa mumuromo wechikara ari iye Dhiyabhori. Makristu anofanira kuchenjerera kuti varege kubva muboka raJesu. Zvichengetedze mukati meboka wobvuma kuchengetedzwawo nemufudzi akanaka. Usasiya kuyanana kweboka raMwari. Variko vakagarira kuzokushandisa nekuti havaoni kukosha kweupenyu usingaperi. Usafambe fambe uchibva mukati meboka. Jesu aripo mutungamiri wako uye haumborasike.

Munamato: Ishe Jesu mufudzi wechokwadi, ndinouya pamberi penyu nekuti munotitungamira kuupenyuhwusingaperi. Ndinonamatira vatendi vose kuti varege kubuda mukati meboka. Dhiyabhori ari kutsvaga hwai dzenyu kuti azodziparadza. Naizvozvo, ndinonamatira kuchengetedzwa kwemakwai enyu nekukumbirirawo umwe neumwe wedu kuti arambe achigara muboka. Muzita raJesu ndinonamata. AMENI.

Kuwedzera Kuverenga: 1 Pita 5:8| Mateo 9:36| VaEfeso 2:18.

Zuva 1Zuva 3

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Jesu Mufudzi Akanaka

Shoko repachitsauko chegumi rinobuditsa kupfuma, kusimbisa kwemashoko anoratidza Jesu ari Mufudzi Akanaka uye suwo rekupinda naro. Rinoburitsa nyaya yekutungamirwa, kuchengetedzwa, uye neshoko reupenyu hwusingaperi. Kudzidzisa kwaJesu kunobuditsa zvikonzero zvakasiyana zvingafungwa nevanhu, zvikuru pazvidzidzo zvekuenzanisa kutenda nekusatenda kwevanhu. Shoko iri rinopa tondedzo yerudo rwaJesu nekuzvipira kwake, simba reuMwari hwake pamwechete nesimbiso yaanopa kune avo vanomutevera. Rinotisimudzira kuti tinzwe kuda kuteerera izwi rake nekumutevera zvakarurama.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL