Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Simba RemunyengeteroChikamu

Simba Remunyengetero

ZUVA 3 REMAZUVA 3

MWARI VANOPINDURA MUNYENGETERO

Kunyange tikasawana mhinduro yatinoda chaizvo, minamato yevatendi nekumirira zvinowana kukudzwa kubva kuna Mwari. Mwari vakanzwa minamato yevatsvene. Varwi vakava sevanhu vakafa zvawo. Wakava munana kubva kuna Mwari. Tingasawana munana wakafanana neiwoyu, asi neimwe nzira Mwari vanouya kuzotidzikinura nemhinduro dzakasiyana siyana. Takaona Mwari muupenyu hwedu vachipindira mukuoma kwezvinhu. Chokwadi, Mwari vanopindura minyengetero.

Mwari vanotibatsira kurwisa vavengi vedu. Tinofanira kufara nemhinduro dzose dzatingawana kubva kuna Mwari, nekuti Mwari vanoziva zvakatinakira. Chero Mwari vakati ‘KWETE’ kuminamato yedu, sezvakaitika kuna Jakobo. Kana akati ‘HONGU’ sezvaakaita kuna Pita, mhinduro yega yega yakafanira paupenyu hwedu, kunyange tichizviona kana kusazviona panguva iyoyo. Ngatidzidzei kuvimba naMwari uye kunamata nguva dzose.

Vamwe vakristu vanogona kutaura mumoyo yawo vachiti izvo havachaziva zvavangakwanise kuita. Vanoti ivo vaita zvose zvavangazive. Ndinofunga kuti pakadai havana kushandisa simba rose. Dzimwe nguva apo tinoda kubvisa zvinotinetsa muupenyu , tinofunga kuti taita zvose asi tisina kukumbira rubatsiro kubva kuna Mwari. Mwari vari pedyo nesu, uye zvose ngatiite nokukumbira kuna Mwari. Mwari vakapindura munyengetero, Pita ndokusunungurwa. Mwari vakapindurawo sei minamato yako? Mutende nemhinduro dzose. Tenda Mwari nhasi kuti munyengetero inzira yakavhurika inosvika kwaari.

Munamato: Mazvita Mwari nekunzwa minyengetero yedu. Tinotenda kuti munotinzwa nguva dzose patinodana zita renyu. Tinoda kugara muuvapo hwenyu kuti pose patinokudanai, munotinzwa henyu. Ndinonamata kuti mugonzwa kukumbira kwevanhu venyu kubva mumativi ose enyika. Muzita raJesu ndinonamata. AMENI.

Kuwedzera Kuverenga: Mapisarema 40:1-3| VaHebheru 4: 14-16| Jakobo 5:16.

Zuva 2

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Simba Remunyengetero

Chikamu chendima iyi chinobuditsa pachena simba raMwari nekukunda zvinesimba pamusoro penzira dzeuipi dzingashandiswa nemunhu. Kunyange pakutarisana nekutambudzwa, Mwari vanenge vari pakutonga. Mwari vanopa nzira yeruponeso nekutonga kwakarurama. Minamato yevatsvene inotionesa kukosha kwekubatana kwevatendi paminyengetero muupenyu hwekereke. Mwari vanodzikinura vatendi, saPita, kubva mukutambudzika.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL