Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Simba RemunyengeteroChikamu

Simba Remunyengetero

ZUVA 1 REMAZUVA 3

RAMBA UCHINYENGETERA

Mutungamiri wekereke akanga ari mutirongo: zvino nhengo dzesangano dzaizoita sei? Kereke yaigona kuita nzira dzekumutsa dzivo kubva kuvarume makristu kuti vagoputsa tirongo. Chokwadi, izvi zvaisava nekubatsira. Tichitarisa nemaonero emunhu, hapana zvavaikwanisa kugona kuita.Zvino chii chaizoitwa nekereke kana pasina zvavaikwanisa kuita? Pachinzvimbo chekuti vamutse bopoto, makristu vakapfugama nemabvi avo vakanamata.Vatendi vakaungana mudzimba dzawo nemumaguta vachinamatira Pita. Vakaramba vari paminyengetero zuva rega rega neusiku hwega hwega. Herodi akanga avhara masuwo etirongo, asi akanga asinga kwanise kuvhara masuwo edenga.

Kana tikaramba tiri paminyengetero yedu tinokwanisa kukunda zvimhingamupinyi zvose. Paiva nechimhingamupinyi chekugumburwa asi kereke yakaramba ichinamata. Kereke yaigona kunge yakanamatira Jakobo. Zvisinei, Jakobo wakasvika pakufa. Vakaramba vachinyengetera. Makristu anofanira kuramba achinyengetera nguva dzose. Nzeve yaMwari haina kudzivirirwa kuti ikoniwe kunzwa. Mwari achamira nevanhu vake kana vachinge vamudaidza kubudikidza nemunyengetero.

Dzimwe nguva tinogona kuva nevakoma kana hanzvadzi dzedu dziri mumatambudziko. Vanoda minamato yedu sekereke. Tinofanira kumira pazvinzvimbo zvawo tovakumbirira kuna Mwari. Ngatisangotarirai zvedu chete, asi zvavamwewo. Kunyange uri panguva yeshungurudzika kana kuedzwa, hatifaniri kumira, tarisa kuna Mwara ugonamata. Mwana waMwari anofanira kuramba ari pakunyengetera.

Munamato: Tinokutendai Mwari nekuti makatidzidzisa kunamata. Tibatsirei kuti tirambe tiri pakunamata kunyange munguva dzekushungurudzika. Tinoda simba rekunamatira mhuri dzedu, vakoma nehanzvadzi dzedu avo vari mumatambudziko. Simba renyu ngarivayamure kuti vagone kurarama vaine runyararo rwenyu. Muzita raJesu tinonamata. AMENI.

Kuwedzera Kuverenga: 2 VaKorinde 1:11| 1 VaTesaronika 5:17| VaEfeso 6:18.

Zuva 2

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Simba Remunyengetero

Chikamu chendima iyi chinobuditsa pachena simba raMwari nekukunda zvinesimba pamusoro penzira dzeuipi dzingashandiswa nemunhu. Kunyange pakutarisana nekutambudzwa, Mwari vanenge vari pakutonga. Mwari vanopa nzira yeruponeso nekutonga kwakarurama. Minamato yevatsvene inotionesa kukosha kwekubatana kwevatendi paminyengetero muupenyu hwekereke. Mwari vanodzikinura vatendi, saPita, kubva mukutambudzika.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL