Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mazuva Azara KuipaChikamu

Mazuva Azara Kuipa

ZUVA 3 REMAZUVA 3

IVA NEPFUNGWA YAKADZIKAMA

Kuti munhu azvidzivirire kubva kumasimba anonyengera aDhiyabhori, munhu anofanira kuzvidzidzisa pashoko raMwari. Zvinonyadzisa kuti mukristu afuratire kubva pachokwadi cheshoko raMwari. Mukubva pachokwadi cheshoko raMwari, mukristu anenge achisiya chikero chinoera upenyu hwakanaka. Naizvozvo, ngatishingirire kuona kuti taramba tichidzidza shoko raMwari kuti tirege kutomuswa tomuswa munyika ine uipi yakadai.

Mwari vane nzira yechimwe nechimwe paupenyu. Nguva huru tiri paminyengetero zvinotibatsira kuti tigadzirirwe munzira idzodzo. Mwari vanogara vationesa zvekuita nezvekutaura. Asi dzimwe nguva vanotionesa ipapo ipapo zvavanodakutiratidza. Hatifaniri kuzvisudurutsa kubva muminyengetero yedu tiri toga, nekuti tikadaro pfungwa dzedu dzichavhurwa naIshe, ivo vagozadzisa zvivimbiso zvose.

Jesu ane zvaanoda kuzadzisa matiri nezvaanoda kuti tiite. Kuda kwaMwari kuti isu titarire gwaro rekwatinofanira kunge tichinanga. Izvi zvinotibatsira kuti tisarase chinangwa. Kunzwisisa kuda kwake kubata nepfungwa dzedu pazvinhu tichiisawo simba redu zvakare. Munhu anofanira kuzvipa kuutongi hwaIshe Jesu Kristu pamusoro peupenyu hwake nekudzidza kumufadza. Pakupedzisira, makristu anofanira kuzvipira kukereke yaKristu. Mwari varikuzadzisa chinangwa chawo kubudikidza nekereke yake. Naizvozvo, vanhu vake vanofanira kunge vakazvipira.

Munamato: Ishe Jesu Kristu, tinonamata kuti tiwane kutungamirwa mukufunga kwedu. Tinoshuvira kuti tikufadzei nguva dzose. Kuda kwenyu ngakuitwe kuti mukwanise kutigadzirira musha wedu wekumusoro. Natsai nzira dzedu uye mugotipa kufunga kwakarurama. Muzita rinokosha raJesu. AMENI.

Kuwedzera Kuverenga: 2 Pita 3: 18| 1 Pita 5:8|Mabasa 20:28.

Zuva 2

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Mazuva Azara Kuipa

Munguva ine uipi yakararamwa naPauro, akaona chikonzero chakanaka chekucherechedza mafambiro kuri kudzivirira zvakaipa. Zvakaipa zvose nemusiyano wazvo zvakanga zvichisimuka zvikuru kuvateveri vaKristu. Pauro anoyambira VaEfeso kuti vagone kungwarira nguva yawo chaizvo achishandisa mutsara unoreva “kutenga”. Kuverenga nekungwarira nguva kunosanganisa kukurumidza kufunga pachinhu munguva yaunenge wakamamikidzika nezvinhu zvinodzosera kumashure.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL