Mazuva Azara KuipaChikamu
DZOREREDZA NGUVA YAKO
Makristu anoda kuchenjera nekunzwisisa kuziva zvekuita kana kutaura kuti vagone kushandisa mikana. Pauro anotiyeuchidza “kungwarira” nguva yedu. Chokwadi nyika yaipa. Hapana angatiudza nezve gwezvero raSatani pamusoro pevanhu kunyange nezvimiro zvose. Mano mano ake eunyengeri anooneka kuda kudzosera basa reuMwari kumashure, nokudaro tinofanira nguva dose kuzvichengetedza nesimba.
Izwi rekuti kudzoreredza izwi rinoshandisa munyika yekutengeserana. Rinogona kureva kutenga zvakare chinhu chakanga chamboraswa, kuti ugochishandisa zvakare nenzira yakanaka yaungada. Tichitarisa pamuenzaniso wakanaka uyu, ndizvo zvinofanira kuita makristu penguva yavanayo. Inguva ipi yatiri kutaura nezvayo? Inguva yatinorarama munyika ino. Inguva inotariswa senguva yakarasika nekuti vazhinji vakatosiya kuteerera kwawo, kururama pamwe netariro yawo. Kunyange zvakadaro, Mwari vakaisa nzira yawo , “kuzadziswa kwenguva,zvose zvichizadziswa muna Kristu.” Naizvozvo takafanira kudzoreredza nguva yedu yakarasika munyika, toishandisa muzvinangwa zvaMwari.
Uchenjeri hwedu hwunofanira kunge hwakanangana nekushandisa mukana weupenyu kuraramira kushumira Mwari kubudikidza nekubatsirawo vanhu zvakare (VaGaratiya 6: 10).Kana tikasava nehanya nemashandisiro atinoita nguva yedu, hatingazorarami tisina zvakaipa zvinotiwira. Mumwe nemumwe wedu ngaatarire nguva yake ogadzirisa pangade kugadziriswa.
Munamato: Jehova Mwari, tinokutendai nhasi uno nekuda kwechipo chenguva. Muupenyu hwedu, tibatsirei kunzwisisa nguva nokuishandisa zvakanaka. Tinoda kufamba munzira dzenyu nguva dzose kuti tigone kudaidzwa kunzi vakomana nevasikana venyu. Muzita raJesu tinonamata. AMENI.
Kuwedzera Kuverenga: Mapisarema 39:4 | Vakorose 4:5| 2 Timotio 3:1-5.
Rugwaro
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Munguva ine uipi yakararamwa naPauro, akaona chikonzero chakanaka chekucherechedza mafambiro kuri kudzivirira zvakaipa. Zvakaipa zvose nemusiyano wazvo zvakanga zvichisimuka zvikuru kuvateveri vaKristu. Pauro anoyambira VaEfeso kuti vagone kungwarira nguva yawo chaizvo achishandisa mutsara unoreva “kutenga”. Kuverenga nekungwarira nguva kunosanganisa kukurumidza kufunga pachinhu munguva yaunenge wakamamikidzika nezvinhu zvinodzosera kumashure.
More
Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL