Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jesu MuyamuriChikamu

Jesu Muyamuri

ZUVA 3 REMAZUVA 3

RAMBA KUNYARARIDZWA

Mhomho yevanhu inogona kusafara nekudaidzira kwako. Dzimwe nguva munyaya iyi vamwe vakatoudza mapofu kuti vanyarare uye vasavakanganise. Usatendera vanhu kuti vakunyararidze. Mwari ndiye mukuru wazvose anogadzira nzira kunyange isipo. Vanoshanduro chimiro chisina kunaka voisa chimiro chizere nenyasha, idzo nyasha dzinokwanirana mumwe nemumwe. Anorapa panyama zvese nepamweya.

Jesu vanobatsira kune avo vari kumutsvaga zvakaperera, uye vachidzoreredza mweya yakaputsika. Mumwe nemumwe wedu anoziva chimiro chake, uye tichiziva zvatiri kuchemera kuna Mwari. Hakuna anonyatsoziva chimiro chako, nokudaro, ngapasave neanokunyararidza. Ramba uchidaidzira zita raJesu. Kuchema kwevarume ava kwakasvika munzeve dzaJesu, neunyoro hwake akavadana kunyange ruzhinji rwevanhu rwaiita ruzha vachida kuvanyararidza. Maitiro evanhu ndeekuti ivo vanenge vaine zvawo zvinangwa zvisina kufanana nezvako. Iwe tarisa zvako zvaunoda kuti Jesu vakubatsire usingabvume kunyararidzwa. Kunyange Jesu asina kugona kurapa vanhu vose panguva yake, akarapa avo vaisundwa nerutendo rwawo vachikumbira kurapwa. Rutendo handirwo rwakaita kuti vaporeswe, asi rwakavabatsira kuti vave nekuchemera kubatsirwa naJesu.

Munamato: Mwari wetsitsi, Mudzikinuri wedu, Mwari ane masimba ose, apo patiri kuchemera kubatsirwa nemi, ngapasave neanotinyararidza pakudaidzira kwedu. Chimiro chedu chinoda imi moga, uye tine rutendo rwakakwana kuti muchatidzikinura kubva muupofu hwemweya yedu. Tinzweiwo Ishe wedu! Tinzweiwo Ishe wedu! Muzita raJesu. AMENI.

Kuwedzera Kuverenga: Isaya 30:18| Zefenaya 3:17.

Zuva 2

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Jesu Muyamuri

Chinyorwa chinobuditsa kukosha kweumambo hwaMwari apo kukura kwaho kunosimbiswa nekuratidza kushanda, nezvibereko zvekutenda kubva muminana. Panobuditswa zvakare kuzvininipisa kwaJesu, uyo, kunyange akanga ari Mwari, akasarudza kushanda uye nekuzvipa pachake. Tinofanira kutora zvimisikidzo izvi paupenyu hwedu, zvotisimbisa kuti tigone kuzvininipisa pazvinhu zvose, tobatsirawo vamwe nekurereka kwedu, nekuratidza kutenda musimba raMwari.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL