Jesu MuyamuriChikamu
CHEMERA MUKANA WAKO
Ishe Jesu vakakurumidza kuva netsitsi apo akanga achidarika. Mapofu vaikumbira vakanga varimowo munzira. Vakanga vachikumbira nekuda kwekuti vakanga vasingaone. Nekuti vanga vasingaone, vaisakwanisa kuzvishandira kuti vavane chekurarama nacho. Vaikwanisa kurarama chete nekuda kwevamwe vanhu.
Chinokosha ndechekuti mapofu akanzwisisa chimiro chavo. Apo vakanzwa kuti Jesu ave kupfuura, vakadaidzira rubatsiro rwawo. Zvinofanira kunge vakanga vambonzwa nezve nyaya dzaJesu nezve minana yake. Zvinofanira kunge vakambonzwa nezve kurapwa kwemamwe mapofu, zvirema zvichifamba, vane maperembudzi vachipora. Wakanga wawe mukana wawo wekudaidzira rubatsiro.
Kusaona kupi kwaunako nhasi? Takanzwa nezvaJesu ane tsitsi. Nhasi uno mukana wako; Jesu ari kupfuura. Usasiye mukana uchidarika. Daidzira kuna Ishe vagokubatsira. Kudaidzira kwemapofu aya kwakabuditsa kunetseka kwawo, tariro yawo, pamwe chete nekutenda kwavo. Kunetsekana kwawo waiva umbowo emazwi avo pamwe nechimiro chaiva chakapoteredza upenyu hwawo. Tariro yawo yaiva iri yekuti Jesu aizovanzwira tsitsi nekudzoreredza kuona kwawo. Muchimiro chimwe chete, Jesu vakagadzirira kudzosera kuona kwedu.
Dzimwe nguva tinotambudzika nekufunga kuti Mwari havasikuda kutibtsira apo tinenge tichivatsvaga. Tinotambudzika pakunyarara kwavo tichishungurudzika kuti mikumbiro yedu haisi kusvika munzeve dzedenga. Kusasimba kwedu mumagariro edu munharaunda kuri pakuti kumirira kunotinetsa, tokutarisira nedivi risiri iro. Mukumirira ikoko Mwari vagara vari pakushanda. Vakatimirira kuti tivatsvage.
Munamato: Mwari vedu vari kudenga, tinodaidzira kwamuri panguva ino yakafanira. Makanzwa kudaidzira kwevarume mapofu. Makanzwa kudaidzira kwevanhu venyu. Tinzweiwo Ishe, kuti zvose zvakatipofomadza zvibviswe. Mwari vedu mune tsitsi, tinonamata muzita raJesu. AMENI.
Kuwedzera Kuverenga: Mapisarema 25:5-7| Dotoronomi 4:31| Isaya 63:9.
Rugwaro
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Chinyorwa chinobuditsa kukosha kweumambo hwaMwari apo kukura kwaho kunosimbiswa nekuratidza kushanda, nezvibereko zvekutenda kubva muminana. Panobuditswa zvakare kuzvininipisa kwaJesu, uyo, kunyange akanga ari Mwari, akasarudza kushanda uye nekuzvipa pachake. Tinofanira kutora zvimisikidzo izvi paupenyu hwedu, zvotisimbisa kuti tigone kuzvininipisa pazvinhu zvose, tobatsirawo vamwe nekurereka kwedu, nekuratidza kutenda musimba raMwari.
More
Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL