ChitambudzoChikamu
Ko kana? Ko Kana? Wati wambo tarisana neiyi yekuti ko kana? Kutandadza iwo ma ko-kana muhupenyu hwako ichi ndicho chinhano chekutanga kuti uchikurirwa nechitambudzo. Chitambudzo kutora mhosva yezvinhu zvawakanga usina kumbogadzirira kutarisana nazvo. Chitambudzo kushaiwa kuve nekuvimba muna Musiki wezvose pasi pano. Chitambudzo chinoti iwe unokwanisa kuzviita wega asi nguva dzakawanda haukwanise. Une chitambudzo here chakanyanya? Haukunde chitambudzo nekunge uchizvitambudza nokuchifunga. Unokunda chitambudzo nekutumira zvinokushungurudza kune mumwe munhu anonyatsokwanisa kukubatsira nemamiriro ezvinenge zvichiiitika. Hazvireve kuti hautore mhosva yezvinhu zvaunofanira kunge uchiita; zvinongoreva kuti unoziva paunomirira uye Mwari anotanga. Uri kunetseka here kuti hauzive zvakwana nezvazvo? Tarisa kuti Bhaibheri rinoti chii!
Rugwaro
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Hupenyu hwedu hunogona kukurirwa nechitambudzo nekutya zvisingazivikanwe nyore-nyore.Asi Mwari akatipa Mweya weushingi,kwete wekutya kana kutambudzika.Chirongwa chemazuva manomwe chichakubatsira kuti uende kuna Mwari mumariro ezvinhu zvose.Chinozopedza kutambudzika kuisa kuvimba kwako muna Mwari.Kana uchida zvimwe zvinyorwa,tarisa pa finds.life.church
More
We would like to thank Life.Church for providing this plan. For more information, please visit: www.life.church