Tito 2:3-4
Tito 2:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saizvozvowo, dzidzisa vakadzi vakuru kuti vave nomufambiro wakafanira, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi kuti vadzidzise zvakanaka. Uye kuti vadzidzise vakadzi vaduku kuti vade varume vavo navana vavo
Tito 2:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
saizvozvowo vakadzi vakuru, ngavave nomufambire wakafanira vatsvene, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi vave vadzidzisi vezvakanaka; kuti vadzidzise vakadzi vaduku, kuti vade varume vavo, nokuda vana vavo
Tito 2:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Taurira vakadzi vakuru kuti vave vakatsiga vasina makuhwa kana kuva varanda vedoro; vanofanira kudzidzisa zvinhu zvakanaka, nenzira iyoyo vagodzidzisa madzimai echidiki kuda varume vavo navana vavo
Tito 2:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
saiɀoɀo ʋo ʋakadzi ʋakuru ŋgaʋaʋe nomufambire wakafanira ʋatȿene, ʋasiŋgaceri, kana kuɗa waini zhinji, asi ʋaʋe ʋadzidzisi ʋeɀakanaka; kuti ʋadzidzise ʋakadzi ʋaɗuku, kuti ʋaɗe ʋarume ʋaʋo, nokuɗa ʋana ʋaʋo