Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Titosi 2

2
Chidzidziso chezvirokwazvo
1Chako iwe kudzidzisa chidzidziso chinovaka. 2Taurira varume vakuru kuti vazvibate pakunwa, vave vanokudzikana, vakangwara vane chitendero kwacho vave norudo kwaro nemwoyo mumwechete. 3Taurira vakadzi vakuru kuti vave vakatsiga vasina makuhwa kana kuva varanda vedoro; vanofanira kudzidzisa zvinhu zvakanaka, nenzira iyoyo 4vagodzidzisa madzimai echidiki kuda varume vavo navana vavo 5vakangwara vari vatsvene, vanochengeta dzimba dzavo, vano mutsa vanoteerera varume vavo kuti shoko raMwari rirege kushorwa. 6Saizvozvo, taurira varume vechidiki kuti vazvibate. 7Mune zvinhu zvose, iwe pachako vape muenzaniso wezviito zvakanaka uye mukudzidzisa kwako varatidze kuva pachokwadi uine chiremera 8nechidzidziso chakakwana chisina chingatsoropodzwe kuti vanopikisana newe vanyare vasina chakaipa chavangataure nezvedu.
9Taurira varanda kuti vateerere vatenzi vavo vavafadze muna zvose, kwete kuvapindura 10uye varege kuvabira, asi kutoratidza kuti vakanaka uye vanogona kuvimbwa navo zvechokwadi uyewo zvizere kuti muna zvose vayemurise chidzidziso chaMwari Muponesi wedu.
11Chikonzero chacho ndechokuti nyasha dzaMwari dzakaratidzwa pachena kuti vanhu vose vaponeswe 12dzichitidzidzisa kusiyana nezvisina chitendero nehavi dzezvenyika uye kuti tigare upenyu hokuzvibata huri pachokwadi hune chitendero panyika pano 13tichimirira chitarisiro chedu chine rufaro chokuoneka kwembiri kwaMwari wedu mukuru nomununuri wedu Jesu Kristu. 14Akazvipira pamusana pedu kuti atinunure kuuipi hwose uye kuti azvichenurire vanhu vake pachake vane shungu dzokuita mabasa akanaka. 15Taura zvinhu izvi pachena uchikurudzira nokutsiura nesimba rose usabvumire kuti pave neanozvikudza.

Zvasarudzwa nguva ino

Titosi 2: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda