Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tito 2

2
Mufananidzo wavakristu
1Zvino iwe, taura zvakafanira, dzidziso yakarurama. 2Varume vakuru ngavave vakasvinuka, vanokudzwa, vakangwara, vakarurama pakutenda, naparudo, napakutsungirira; 3saizvozvowo vakadzi vakuru, ngavave nomufambire wakafanira vatsvene, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi vave vadzidzisi vezvakanaka; 4kuti vadzidzise vakadzi vaduku, kuti vade varume vavo, nokuda vana vavo, 5vave vakangwara, vakachena, vanochengeta mhuri, vanyoro, vanozviisa pasi pavarume vavo, kuti shoko raMwari rirege kumhurwa. 6Saizvozvowo varume vaduku uvaraire kuti vave vakangwara; 7pazvinhu zvose iwe umene uvaratidze makwara amabasa akanaka; uve nokusakanganisa pakudzidzisa, nomugariro unokudzwa, 8nokutaura kwakarurama, kusingagoni kushoorwa, kuti anopesana nesu anyadziswe, asina chinhu chakaipa chaangareva pamusoro pedu.
9Varanda ngavazviise pasi pavatenzi vavo, vavafadze pazvinhu zvose, vasingakakavari; 10vasingabi, asi varatidze kutendeka kwakanaka kwose, kuti vashongedze dzidziso yaMwari, Muponesi wedu, pazvinhu zvose. 11Nokuti nyasha dzaMwari dzakaonekwa, dzinovigira vanhu vose kuponeswa, 12dzichitidzidzisa isu kuti tirambe kusanamata Mwari nokuchiva zvenyika, tirarame nokungwara, nokururama, nokunamata Mwari panguva ino, 13takatarira tariro inofadza, nokuonekwa kwokubwinya kwaMwari mukuru, noMuponesi wedu, Kristu Jesu, 14wakazvipa nokuda kwedu, kuti atidzikinure pazvisakarurama zvose, kuti azvinatsire vanhu vave vake chaivo, vanhu vanoshingairira mabasa akanaka.
15Taura zvinhu izvi, urayire, urange nesimba rose; ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza.

Zvasarudzwa nguva ino

Tito 2: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda