Tito 2:11-15
Tito 2:11-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti nyasha dzaMwari dzinouyisa ruponeso dzakaratidzwa kuvanhu vose. Dzinotidzidzisa kuti tirambe zvinhu zvisina umwari nokuchiva kwenyika, uye tirarame upenyu hwokuzvidzora, hwokururama uye hwoumwari munguva ino, takamirira tariro yakaropafadzwa, kuonekwa kwokubwinya kwaMwari wedu mukuru noMuponesi, Jesu Kristu, akazvipa nokuda kwedu kuti atidzikinure kubva pakuipa kwose, nokuzvinatsira vanhu vari vake chaivo, vanoshingaira kuita zvinhu zvakanaka. Zvino, izvi ndizvo zvinhu zvaunofanira kudzidzisa. Kurudzira uye utsiure nesimba rose. Ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza.
Tito 2:11-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti nyasha dzaMwari dzakaonekwa, dzinovigira vanhu vose kuponeswa, dzichitidzidzisa isu kuti tirambe kusanamata Mwari nokuchiva zvenyika, tirarame nokungwara, nokururama, nokunamata Mwari panguva ino, takatarira tariro inofadza, nokuonekwa kwokubwinya kwaMwari mukuru, noMuponesi wedu, Kristu Jesu, wakazvipa nokuda kwedu, kuti atidzikinure pazvisakarurama zvose, kuti azvinatsire vanhu vave vake chaivo, vanhu vanoshingairira mabasa akanaka. Taura zvinhu izvi, urayire, urange nesimba rose; ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza.
Tito 2:11-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chikonzero chacho ndechokuti nyasha dzaMwari dzakaratidzwa pachena kuti vanhu vose vaponeswe dzichitidzidzisa kusiyana nezvisina chitendero nehavi dzezvenyika uye kuti tigare upenyu hokuzvibata huri pachokwadi hune chitendero panyika pano tichimirira chitarisiro chedu chine rufaro chokuoneka kwembiri kwaMwari wedu mukuru nomununuri wedu Jesu Kristu. Akazvipira pamusana pedu kuti atinunure kuuipi hwose uye kuti azvichenurire vanhu vake pachake vane shungu dzokuita mabasa akanaka. Taura zvinhu izvi pachena uchikurudzira nokutsiura nesimba rose usabvumire kuti pave neanozvikudza.
Tito 2:11-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti nyasha dzaMŋari dzakaʋonekwa, dzinoʋigira ʋanhu ʋose kuponeswa, dzicitidzidzisa isu kuti tirambe kusanamata Mŋari nokuciʋa ɀenyika, tirarame nokuŋgwara, nokururama, nokunamata Mŋari paŋguʋa ino, takatarira tariro inofadza, nokuʋonekwa kwokubginya kwaMŋari mukuru, noMuponesi weɗu, Kristu Jesu, wakaɀipa nokuɗa kweɗu, kuti atidzikinure paɀisakarurama ɀose, kuti aɀinatsire ʋanhu ʋaʋe ʋake caiʋo, ʋanhu ʋanoshiŋgairira maɓasa akanaka. Taura ɀinhu iɀi, uraire, uraŋge nesimba rose; ŋgakurege kuʋa nomunhu unokuɀidza.
Tito 2:11-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)