Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 5:10-16
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 5:10-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mudiwa wangu akanaka uye mutsvuku, anokunda vanokwana zviuru gumi. Musoro wake igoridhe chairo; bvudzi rake rinoyevedza uye rakasviba segunguo. Meso ake akafanana nenjiva dziri pahova dzemvura, dzakashambidzwa mumukaka, akarongwa sezvishongo. Matama ake akaita semihomba yezvinonhuhwira inobereka zvinonhuhwira. Miromo yake yakaita samaruva amahapa anodonha mura. Maoko ake itsvimbo dzegoridhe dzakaiswa mabwe anokosha ekrisorite. Muviri wake wakaita senyanga dzenzou dzinobwinya dzakashongedzwa nesafire. Makumbo ake imbiru dzamabwe machena akamiswa pazvigadziko zvegoridhe rakanatswa. Chimiro chake chakaita seRebhanoni, chakanakisisa semisidhari yayo. Muromo wake inhapitapi pachayo; zvirokwazvo akaisvonaka. Uyu ndiye mudiwa wangu, ndiye shamwari yangu, imi vanasikana veJerusarema.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 5:10-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mudiwa wangu akachena nokutsvuka, Anozikanwa pakati pezana ramazana. Musoro wake wakaita sendarama yakaisvonaka; Vhudzi rake rakapetana, idema segunguo. Meso ake akaita seenjiva pahova dzemvura, Dzakashambwa nomukaka, sezvibwe zvakarongedzwa zvakanaka. Matama ake akaita sendima yemiti inonhuwira, Samatutu emiriwo inonaka; Miromo yake yakaita samaruva anodonha mura inoyerera. Maoko ake akaita samapango endarama, akaiswa bheriri; Muviri wake wakaita senyanga dzenzou, dzakafukidzwa nesafiro. Makumbo ake akaita sembiru dzamabwe machena, dzakaiswa pazvigadziko zvendarama yakaisvonaka; Kuonekwa kwake kwose kwakafanana neRebhanoni, kwakaisvonaka semisidhari. Muromo wake wakanaka kwazvo; Zvirokwazvo, wakaisvonaka kwazvo-kwazvo. Ndizvo zvakaita mudiwa wangu, ndizvo zvakaita shamwari yangu, Imi vakunda veJerusaremu.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 5:10-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mudiwa wangu akapenyerera, akatsvukirira, anonyatsoonekwa mukati mezviuru gumi zvavanhu. Musoro wake indarama chaiyo yakanakisisa. Vhudzi rake, rinoyerera rakasviba kuti ndo-o segunguwo. Maziso ake anenge njiva dziri pedyo namadziva emvura, akanyikwa mumukaka, akanyatsoiswa panzvimbo pawo zvakanaka. Matamawo ake akaita semihomba yetwokubikisa tunonhuwirira tunoburitsa kunhuwirira; iyo miromo yake iyi, maruva zvawo amariri, inodonha mura inoyerera. Maoko ake, heyo mibhadha zvayo yendarama yakashongedzwa zvishongo muviri wake ndiro zvayo yemunyanga wenzou yakaiswa tutombo twesafaya. Iwo makumbo ake aya, hedzo mbiru zvadzo dzakamiswa muzvigadzikiro zvendarama uyewo chimiro chake ungati iRebhanoni kunaka kwazvo semiti yemisidhari. Zvaanotaura izvi zvinotapira samare, iye wose, sezvaari anodiwa. Ndiye mudiwa wangu iyeyo ndiye shamwari yangu, imi vanasikana veJerusaremu.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 5:10-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Muɗiwa waŋgu wakacena nokutȿuka, Unozikanwa pakati pezana ramazana. Musoro wake wakaita sendarama yakaiȿo‐naka; Vudzi rake rakapetana, iɗema seguŋguʋu. Meso ake akaita seenjiʋa pahoʋa dzemvura, Dzakashambga nomukaka, seɀibge ɀakaroŋgedzwa ɀakanaka. Matama ake akaita sendima yemiti inonhuwira, Samatutu emiriʋo inonaka; Miromo yake yakaita samaruʋa anoɗonha mura inoyerera. Maʋoko ake akaita samapaŋgo endarama, akaiswa beriri; Muʋiri wake wakaita senyaŋga dzenzou, dzakafukidzwa nesafiro. Makumbo ake akaita sembiru dzamabge macena, dzakaiswa paɀigadziko ɀendarama yakaiȿo‐naka; Kuʋonekwa kwake kwose kwakafanana neRebanoni, kwakaiȿo‐naka semisidari. Muromo wake wakanaka kwaɀo; Ɀirokwaɀo, wakaiȿo‐naka kwaɀo‐kwaɀo. Ndiɀo ɀakaita muɗiwa waŋgu, ndiɀo ɀakaita shamŋari yaŋgu, Imi ʋakunda ʋeJerusarema.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 5:10-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)