Muɗiwa waŋgu wakacena nokutȿuka, Unozikanwa pakati pezana ramazana. Musoro wake wakaita sendarama yakaiȿo‐naka; Vudzi rake rakapetana, iɗema seguŋguʋu. Meso ake akaita seenjiʋa pahoʋa dzemvura, Dzakashambga nomukaka, seɀibge ɀakaroŋgedzwa ɀakanaka. Matama ake akaita sendima yemiti inonhuwira, Samatutu emiriʋo inonaka; Miromo yake yakaita samaruʋa anoɗonha mura inoyerera. Maʋoko ake akaita samapaŋgo endarama, akaiswa beriri; Muʋiri wake wakaita senyaŋga dzenzou, dzakafukidzwa nesafiro. Makumbo ake akaita sembiru dzamabge macena, dzakaiswa paɀigadziko ɀendarama yakaiȿo‐naka; Kuʋonekwa kwake kwose kwakafanana neRebanoni, kwakaiȿo‐naka semisidari. Muromo wake wakanaka kwaɀo; Ɀirokwaɀo, wakaiȿo‐naka kwaɀo‐kwaɀo. Ndiɀo ɀakaita muɗiwa waŋgu, ndiɀo ɀakaita shamŋari yaŋgu, Imi ʋakunda ʋeJerusarema.
Verenga chikamu Rwiyo Rukuru 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Rwiyo Rukuru 5:10-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo