VaRoma 9:1-13
VaRoma 9:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handirevi nhema, hana yangu inondipupurira muMweya Mutsvene ndino kusuwa kukuru kwazvo neshungu dzisingaperi mumwoyo mangu. Nokuti ndinoshuva kuti dai ini pachangu ndaiva munhu akatukwa uye ndakaparadzaniswa naKristu nokuda kwehama dzangu, ivo vorudzi rwangu, ivo vanhu veIsraeri. Kuva vana ndokwavo; nokubwinya ndokwavo, nesungano, nokupiwa kwomurayiro, nokunamata Mwari mutemberi uye zvipikirwa ndezvavo. Madzibaba ndeavo, uye naKristu akabva kwavari panyama, ari Mwari pamusoro pazvose, anokudzwa nokusingaperi! Ameni. Hazvirevi kuti shoko raMwari rakakundikana. Nokuti havasi vose vari zvizvarwa zvaIsraeri vanova vaIsraeri. Uye nokuti zvavari vorudzi rwake, vose vana vaAbhurahama. Asi zvinonzi, “Kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa rudzi rwako.” Namamwe mashoko, havasi vana panyama vanova vana vaMwari, asi vana vechipikirwa ndivo vanonzi vana vaAbhurahama. Nokuti aya ndiwo mashoko echipikirwa: “Panguva yakatarwa ndichauya, uye Sara achava nomwanakomana.” Kwete izvozvo zvoga, asi kuti naRabhekawo akava navana vomunhu mumwe uye baba vamwe, baba vedu Isaka. Asi mapatya asati azvarwa, vasati vaita chakanaka kana chakaipa, kuitira kuti kuda kwaMwari pakusarudza kwake kusimbiswe, kwete nokuda kwamabasa asi nokuda kwake iye anodana, akaudzwa kuti, “Mukuru achava muranda womuduku.” Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.”
VaRoma 9:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinotaura zvirokwazvo muna Kristu, handirevi nhema, hana yangu ichindipupurira muMweya Mutsvene, kuti ndine shungu kwazvo nokuchema kusingaperi mumwoyo mangu. Nokuti ndaida kuti ini ndimene ndive munhu akatukwa, akaparadzaniswa naKristu nokuda kwehama dzangu, ivo vorudzi rwangu panyama; ndivo vaIsiraeri; kuva vana, nokubwinya, nesungano, nokupiwa murayiro, nokunamata Mwari, nezvipikirwa, ndezvavo; madzibaba ndaavo, naKristu akabva kwavari panyama, ari pamusoro pavose, Mwari anokudzwa nokusingaperi. Ameni. Asi handiti shoko raMwari rakakona. Nokuti vakabva kuvaIsiraeri havazi vaIsiraeri vose; navari vorudzi rwaAbhurahamu havazi vana vake vose; asi zvinonzi, “Kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa rudzi rwako.” Ndokuti havazi vana venyama vari vana vaMwari; asi vana vokupikirwa, ndivo vanonzi rudzi. Nokuti shoko rakapikirwa ndirori, “Nenguva yakaita seino ndichauya, Sara achava nomwanakomana.” Hazvizi izvozvo bedzi; asi Rabhekawo, wakati ava nemimba kunomumwe, iye Isaka, baba vedu. Nokuti vana vasati vaberekwa, vasati vaita zvakanaka kana zvakaipa, kuti kufunga kwaMwari pakutsanangura kwake kusimbiswe, kusingabvi pamabasa, asi kuna iye anodana, zvakanzi kwaari, “Mukuru achava muranda womuduku.” Sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.”

VaRoma 9:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handirevi nhema uye hana yangu iina Mweya Mutsvene inondipupurira kuti ndinosuruvara uye ndinoramba ndichishushikana mumwoyo zvikuru. Ndingatoda zvangu kuti iyeni pachangu ndipinde rushambwa uye kuti ndichekaniswe zvangu ukama naKristu pamusana pehama dzangu voukama nemi parudzi. Ivava vaIsiraeri uye ndivo vana vane mbiri, vakaitwa navo zvitenderano vakapiwa mutemo, vanamati vane zvavakapikirwa. Ndivo vechizvarwa chamadzitateguru aya parudzi rwavo uye pamazvarirwo anoitwa vanhu, ndikowo kwakabva Kristu. Iye Mwari anotonga vose ngaarumbidzwe nokusingaperi. Hakusi kuti izwi raMwari rakakundikana nokuti havasi vose vechizvarwa chaIsiraeri vari vaIsiraeri. Havasi vose vechizvarwa chaAbhurahamu vari vana vaAbhurahamu asi kuti zvinonzi, “Zvizvarwa zvako zvichadaidzwa nomuzita raIsaki.” Zvichireva kuti vana vaMwari havasiri avo vechizvarwa chenyama asi kuti vana vechitsidzo ndivo vanonzi vana vake chaivo. Chitsidzo chacho chaiti: “Ndichadzoka nguva yakaita seino iyi, ipapo Sara achava nomwana mukomana.” Hazvisizvo zvoga asi kutiwo Rabheka paakabata pamuviri pamapatya nomurume mumwechete tateguru wedu Isaki; kunyange paakanga asati aberekwa asati amboita chakanaka kana chakaipa uye kuri kuti kusarudza kwaidiwa naMwari kuenderere mberi, kwete pamusana pamabasa asi pamusana pokudaidza kwake akataurirwa kuti, “Mukoma achashandira munun'una.” Ndiko kunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Jakobho ndiye waiva wapamwoyo pangu asi Esau akanga asiri wapamwoyo pangu.”
VaRoma 9:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinotaura ɀirokwaɀo munaKristu, handireʋi nhema, hana yaŋgu icindipupurira muMŋeya Mutȿene, kuti ndineshuŋgu kwaɀo nokucema kusiŋgaperi mumŋoyo maŋgu. Nokuti ndaiɗa kuti ini ndimene ndiʋe munhu wakatukwa, wakaparadzaniswa naKristu nokuɗa kwehama dzaŋgu, iʋo ʋorudzi rwaŋgu panyama; ndiʋo ʋaIsraeri; kuʋa ʋana, nokubginya, nesuŋgano, nokupiwa murairo, nokunamata Mŋari, neɀipikirwa, ndeɀaʋo; madziɓaɓa ndaaʋo, naKristu wakabva kwaʋari panyama, uri pamsoro paʋose, Mŋari unokudzwa nokusiŋgaperi. Ameni. Asi handiti shoko raMŋari rakakona. Nokuti ʋakabva kuʋaIsraeri haʋazi ʋaIsraeri ʋose; naʋari ʋorudzi rwaAbrahama haʋazi ʋana ʋake ʋose; asi ɀinonzi: KunaIsaka ndiko kucatumidzwa rudzi rwako. Ndokuti haʋazi ʋana ʋenyama ʋari ʋana ʋaMŋari; asi ʋana ʋokupikirwa, ndiʋo ʋanonzi rudzi. Nokuti shoko rakapikirwa ndirori: Neŋguʋa yakaita seino ndicaʋuya, Sara ucaʋa nomŋanakomana. Haɀizi iɀoɀo ɓedzi; asi Rebeka ʋo, wakati aʋa nemimba kunomumŋe, iye Isaka, ɓaɓa ʋeɗu — nokuti ʋana ʋasati ʋaɓerekwa, ʋasati ʋaita ɀakanaka kana ɀakaipa, kuti kufuŋga kwaMŋari pakusanaŋgura kwake kusimbiswe, kusiŋgabvi pamaɓasa, asi kunaiye unoɗana, ɀakanzi kwaari: Mukuru ucaʋa muranda womuɗuku. Seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Jakobo ndakamuɗa, asi Esau ndakamuʋeŋga.
VaRoma 9:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)