Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaRoma 9:1-13

ƲaRoma 9:1-13 SUB1949

Ndinotaura ɀirokwaɀo munaKristu, handireʋi nhema, hana yaŋgu icindipupurira muMŋeya Mutȿene, kuti ndineshuŋgu kwaɀo nokucema kusiŋgaperi mumŋoyo maŋgu. Nokuti ndaiɗa kuti ini ndimene ndiʋe munhu wakatukwa, wakaparadzaniswa naKristu nokuɗa kwehama dzaŋgu, iʋo ʋorudzi rwaŋgu panyama; ndiʋo ʋaIsraeri; kuʋa ʋana, nokubginya, nesuŋgano, nokupiwa murairo, nokunamata Mŋari, neɀipikirwa, ndeɀaʋo; madziɓaɓa ndaaʋo, naKristu wakabva kwaʋari panyama, uri pamsoro paʋose, Mŋari unokudzwa nokusiŋgaperi. Ameni. Asi handiti shoko raMŋari rakakona. Nokuti ʋakabva kuʋaIsraeri haʋazi ʋaIsraeri ʋose; naʋari ʋorudzi rwaAbrahama haʋazi ʋana ʋake ʋose; asi ɀinonzi: KunaIsaka ndiko kucatumidzwa rudzi rwako. Ndokuti haʋazi ʋana ʋenyama ʋari ʋana ʋaMŋari; asi ʋana ʋokupikirwa, ndiʋo ʋanonzi rudzi. Nokuti shoko rakapikirwa ndirori: Neŋguʋa yakaita seino ndicaʋuya, Sara ucaʋa nomŋanakomana. Haɀizi iɀoɀo ɓedzi; asi Rebeka ʋo, wakati aʋa nemimba kunomumŋe, iye Isaka, ɓaɓa ʋeɗu — nokuti ʋana ʋasati ʋaɓerekwa, ʋasati ʋaita ɀakanaka kana ɀakaipa, kuti kufuŋga kwaMŋari pakusanaŋgura kwake kusimbiswe, kusiŋgabvi pamaɓasa, asi kunaiye unoɗana, ɀakanzi kwaari: Mukuru ucaʋa muranda womuɗuku. Seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Jakobo ndakamuɗa, asi Esau ndakamuʋeŋga.

Verenga chikamu ƲaRoma 9