Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 9:1-13

Varoma 9:1-13 SNA2002

Ndinotaura zvirokwazvo muna Kristu, handirevi nhema, hana yangu ichindipupurira muMweya Mutsvene, kuti ndine shungu kwazvo nokuchema kusingaperi mumwoyo mangu. Nokuti ndaida kuti ini ndimene ndive munhu akatukwa, akaparadzaniswa naKristu nokuda kwehama dzangu, ivo vorudzi rwangu panyama; ndivo vaIsiraeri; kuva vana, nokubwinya, nesungano, nokupiwa murayiro, nokunamata Mwari, nezvipikirwa, ndezvavo; madzibaba ndaavo, naKristu akabva kwavari panyama, ari pamusoro pavose, Mwari anokudzwa nokusingaperi. Ameni. Asi handiti shoko raMwari rakakona. Nokuti vakabva kuvaIsiraeri havazi vaIsiraeri vose; navari vorudzi rwaAbhurahamu havazi vana vake vose; asi zvinonzi, “Kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa rudzi rwako.” Ndokuti havazi vana venyama vari vana vaMwari; asi vana vokupikirwa, ndivo vanonzi rudzi. Nokuti shoko rakapikirwa ndirori, “Nenguva yakaita seino ndichauya, Sara achava nomwanakomana.” Hazvizi izvozvo bedzi; asi Rabhekawo, wakati ava nemimba kunomumwe, iye Isaka, baba vedu. Nokuti vana vasati vaberekwa, vasati vaita zvakanaka kana zvakaipa, kuti kufunga kwaMwari pakutsanangura kwake kusimbiswe, kusingabvi pamabasa, asi kuna iye anodana, zvakanzi kwaari, “Mukuru achava muranda womuduku.” Sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.”

Verenga chikamu Varoma 9