Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handirevi nhema uye hana yangu iina Mweya Mutsvene inondipupurira kuti ndinosuruvara uye ndinoramba ndichishushikana mumwoyo zvikuru. Ndingatoda zvangu kuti iyeni pachangu ndipinde rushambwa uye kuti ndichekaniswe zvangu ukama naKristu pamusana pehama dzangu voukama nemi parudzi. Ivava vaIsiraeri uye ndivo vana vane mbiri, vakaitwa navo zvitenderano vakapiwa mutemo, vanamati vane zvavakapikirwa. Ndivo vechizvarwa chamadzitateguru aya parudzi rwavo uye pamazvarirwo anoitwa vanhu, ndikowo kwakabva Kristu. Iye Mwari anotonga vose ngaarumbidzwe nokusingaperi. Hakusi kuti izwi raMwari rakakundikana nokuti havasi vose vechizvarwa chaIsiraeri vari vaIsiraeri. Havasi vose vechizvarwa chaAbhurahamu vari vana vaAbhurahamu asi kuti zvinonzi, “Zvizvarwa zvako zvichadaidzwa nomuzita raIsaki.” Zvichireva kuti vana vaMwari havasiri avo vechizvarwa chenyama asi kuti vana vechitsidzo ndivo vanonzi vana vake chaivo. Chitsidzo chacho chaiti: “Ndichadzoka nguva yakaita seino iyi, ipapo Sara achava nomwana mukomana.” Hazvisizvo zvoga asi kutiwo Rabheka paakabata pamuviri pamapatya nomurume mumwechete tateguru wedu Isaki; kunyange paakanga asati aberekwa asati amboita chakanaka kana chakaipa uye kuri kuti kusarudza kwaidiwa naMwari kuenderere mberi, kwete pamusana pamabasa asi pamusana pokudaidza kwake akataurirwa kuti, “Mukoma achashandira munun'una.” Ndiko kunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Jakobho ndiye waiva wapamwoyo pangu asi Esau akanga asiri wapamwoyo pangu.”
Verenga chikamu Varoma 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 9:1-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo