VaRoma 5:1-15
VaRoma 5:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, zvatinoruramisirwa nokutenda, tino rugare naMwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu, watakawana naye mapindiro, nokutenda, munyasha idzi dzatakamira madziri zvino. Uye tinofara mutariro yokubwinya kwaMwari. Kwete izvozvo bedzi, asi tinofarawo mumatambudziko edu, nokuti tinoziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira, kutsungirira kunouyisa unhu uye unhu hunouyisa tariro. Uye tariro hainyadzisi nokuti Mwari akadurura rudo rwake mumwoyo yedu kubudikidza naMweya Mutsvene, uyo waakatipa. Munoona, panguva chaiyo yakafanira, patakanga tisina simba, Kristu akafira vasingadi Mwari. Hazviwanzoitika kuti munhu afire akarurama, kunyange zvazvo munhu angaedza kufira munhu akanaka. Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira. Zvino sezvo takaruramisirwa neropa rake, tichaponeswa zvikuru sei naye kubva pakutsamwa kwaMwari! Nokuti kana, patakanga tiri vavengi vaMwari, takayananiswa naye kubudikidza norufu rwoMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei kubudikidza norufu rwoMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei kubudikidza noupenyu hwake, kana tayananiswa! Nokuti hazvisizvo bedzi, asi kuti tinofarawo muna Mwari nokuna Ishe wedu Jesu Kristu, watakapiwa zvino naye kuyananiswa. Naizvozvo, chivi sezvachakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nechivi, uye nenzira iyi rufu rwakauya kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza, nokuti murayiro usati wapiwa, chivi chakanga chava munyika. Asi chivi hachiverengwi kana pasina murayiro. Asi rufu rwakabata ushe kubva panguva yaAdhamu kusvikira panguva yaMozisi, kunyange pamusoro paavo vasina kutadza nokudarika murayiro, sezvakaitwa naAdhamu, akanga ari mufananidzo wouyo akanga achazouya. Asi chipo chokungopiwa hachifanani nokudarika. Nokuti kana vazhinji vakafa nokudarika kwomunhu mumwe, zvikuru sei nyasha dzaMwari nechipo chakauya nenyasha dzomunhu mumwe, Jesu Kristu, dzakadururirwa kuvazhinji!

VaRoma 5:1-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo zvatinoruramiswa nokutenda ngative norugare kuna Mwari naIshe wedu, Jesu Kristu; watakawana naye mapindiro nokutenda munyasha idzi, dzatinomira madziri; ngatifare netariro yokuona kubwinya kwaMwari. Zvisati zviri izvo bedzi, asi ngatifarewo mumadambudziko, tichiziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira; kutsungirira kunouyisa kuedzwa; kuedzwa kunouyisa tariro; tariro hainyadzisi; nokuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumwoyo yedu noMweya Mutsvene watakapiwa. Nokuti tichiri pakushayiwa simba, Kristu panguva yakafanira akafira vasingadi Mwari. Nokuti zvinorema kuti munhu afire akarurama; nokuti zvimwe mumwe angatsunga kufira akanaka. Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu akatifira, tichiri vatadzi. Zvino, zvatakaruramiswa muropa rake, tichaponeswa zvikuru sei naye pakutsamwa. Nokuti zvatakayananiswa naMwari nokufa kwoMwanakomana wake, tichiri vavengi vake, zvikuru tichaponeswa kana tayananiswa noupenyu hwake; zvisati zviri izvo bedzi, asi tinofara zvikuruwo munaMwari naIshe wedu Jesu Kristu, watakapiwa zvino naye iko kuyananiswa. Saka, zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza; nokuti murayiro usati wavapo, zvivi zvakanga zviri panyika; asi zvivi hazviverengerwi munhu, kana kusina murayiro. Asi rufu rwakabata ushe kubva kuna Adhamu kusvikira kuna Mosesi, kunyange napakatiwo pavasina kutadza nokudarika kwaAdhamu, waiva mufananidzo woakanga achizouya. Asi chipo chokungopiwa hachifanani nokudarika. Nokuti kana vazhinji vakafa nokudarika kwomumwe, zvikuru nyasha dzaMwari nechipo chakauya nenyasha dzomunhu mumwe, Jesu Kristu, zvakawandira vazhinji.
VaRoma 5:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo zvatakaruramiswa nechitendero tine rugare naMwari nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu akaita kuti nokwaari tiitirwe nyasha sezvatiri. Tinofara nechitarisiro chembiri yaMwari. Kwete izvozvo zvoga asi kuti tinotofara mumatambudziko edu nokuti tinoziva kuti kutambudzika kunopa munhu kutirira kutirira kunopa munhu chimiro, chimiro chinopa munhu chitarisiro. Chitarisiro hachitinyengedzi nokuti rudo rwaMwari rwakadururwa mumwoyo yedu naMweya Mutsvene watakapiwa. Kristu akatifira panguva kwayo tisina simba isu; ipapo tisiri vanamati vaMwari. Munhu haadi kufira kunyange munhu akarurama. Pamwe munhu angafire zvake munhu akarurama. Asi Mwari akaratidza kuti anotida nokuti Kristu akatifira tichiri vatadzi. Zvino zvatakaruramiswa neropa rake tichanunurwa zvikuru sei kuchirango chaMwari. Saizvozvowo kana taive mhandu, takawadzana naMwari pamusana porufu rwaMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei noupenyu hwake zvino patakawadzana naye kudai. Handizvo chete asi kuti tinotopembera kufara naMwari nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu akatiwanisa zvino kuwadzana kwedu. Saizvozvo sokuuya kwakaita chitadzo pasi pose nokumunhu mumwechete; rufuwo rukauya nokuchitadzo, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vanhu vose vakatadza. Chitadzo chakanga chatova panyika Mutemo usati wapiwa. Hapana chitadzo kana pasina mutemo. Asi rufu rwaitonga kubvira kuna Adhamu kusvika kuna Mosesi, ruchitonga kunyange vane zvitadzo zvisina kuenzana kukura nezvaAdhamu aiva mumvuri wouyo aizouya. Chipo chenyasha hachina pachingamboenzaniswa napo kukura nechitadzo chiya, nokuti kana vanhu vazhinji vakafa pamusana pechitadzo chomunhu mumwechete, ko kutozoti nyasha dzaMwari nechipo chinopiwa pachena, pamusana penyasha dzomunhu mumwechete uya, Jesu Kristu, chinofashurirwa zvakadii kuvanhu vakawanda.
VaRoma 5:1-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo ɀatinoruramiswa nokutenda ŋgatiʋe norugare kunaMŋari naShe weɗu, Jesu Kristu; watakawana naye mapindire nokutenda munyasha idzi, dzatinomira madziri; ŋgatifare netariro yokuʋona kubginya kwaMŋari. Ɀisati ɀiri iɀo ɓedzi, asi ŋgatifare ʋo mumaɗambudziko, ticiziʋa kuti kutambudzika kunoʋuyisa kutsuŋgirira; kutsuŋgirira kunoʋuyisa kuidzwa; kuidzwa kunoʋuyisa tariro; tariro hainyadzisi; nokuti ruɗo rwaMŋari rwakaɗirwa mumŋoyo yeɗu noMŋeya Mutȿene watakapiwa. Nokuti ticiri pakushaiwa simba, Kristu paŋguʋa yakafanira wakafira ʋasiŋgaɗi Mŋari. Nokuti ɀinorema kuti munhu afire wakarurama; nokuti ɀimŋe mumŋe uŋgatsuŋga kufira wakanaka. Asi Mŋari unoratidza ruɗo rwake kwatiri pakuti Kristu wakatifira, ticiri ʋatadzi. Ɀino, ɀatakaruramiswa muropa rake, ticaponeswa ɀikuru sei naye pakutsamŋa. Nokuti ɀatakayananiswa naMŋari nokufa kwoMŋanakomana wake, ticiri ʋaʋeŋgi ʋake, ɀikuru ticaponeswa kana tayananiswa noʋupenyu bgake; ɀisati ɀiri iɀo ɓedzi, asi tinofara ɀikuru ʋo munaMŋari naShe weɗu Jesu Kristu, watakapiwa ɀino naye iko kuyananiswa. Saka, ɀiʋi seɀaɀakapinda munyika nomunhu mumŋe, norufu rukapinda neɀiʋi; saiɀoɀo rufu rwakaȿika kuʋanhu ʋose, nokuti ʋose ʋakatadza; nokuti murairo usati waʋa’po, ɀiʋi ɀakaŋga ɀiri panyika; asi ɀiʋi haɀiʋereŋgerwi munhu, kana kusinomurairo. Asi rufu rwakaɓata ʋushe kubva kunaAdama kuȿikira kunaMosesi, kunyaŋge napakati ʋo paʋasina‐kutadza nokuɗarika kwaAdama, waiʋa mufananidzo wowakaŋga acizoʋuya. Asi cipo cokuŋgopiwa hacifanani nokuɗarika. Nokuti kana ʋazhinji ʋakafa nokuɗarika kwomumŋe, ɀikuru nyasha dzaMŋari necipo cakaʋuya nenyasha dzomunhu mumŋe, Jesu Kristu, ɀakawandira ʋazhinji.
VaRoma 5:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)