Naizvozvo zvatakaruramiswa nechitendero tine rugare naMwari nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu akaita kuti nokwaari tiitirwe nyasha sezvatiri. Tinofara nechitarisiro chembiri yaMwari. Kwete izvozvo zvoga asi kuti tinotofara mumatambudziko edu nokuti tinoziva kuti kutambudzika kunopa munhu kutirira kutirira kunopa munhu chimiro, chimiro chinopa munhu chitarisiro. Chitarisiro hachitinyengedzi nokuti rudo rwaMwari rwakadururwa mumwoyo yedu naMweya Mutsvene watakapiwa. Kristu akatifira panguva kwayo tisina simba isu; ipapo tisiri vanamati vaMwari. Munhu haadi kufira kunyange munhu akarurama. Pamwe munhu angafire zvake munhu akarurama. Asi Mwari akaratidza kuti anotida nokuti Kristu akatifira tichiri vatadzi. Zvino zvatakaruramiswa neropa rake tichanunurwa zvikuru sei kuchirango chaMwari. Saizvozvowo kana taive mhandu, takawadzana naMwari pamusana porufu rwaMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei noupenyu hwake zvino patakawadzana naye kudai. Handizvo chete asi kuti tinotopembera kufara naMwari nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu akatiwanisa zvino kuwadzana kwedu. Saizvozvo sokuuya kwakaita chitadzo pasi pose nokumunhu mumwechete; rufuwo rukauya nokuchitadzo, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vanhu vose vakatadza. Chitadzo chakanga chatova panyika Mutemo usati wapiwa. Hapana chitadzo kana pasina mutemo. Asi rufu rwaitonga kubvira kuna Adhamu kusvika kuna Mosesi, ruchitonga kunyange vane zvitadzo zvisina kuenzana kukura nezvaAdhamu aiva mumvuri wouyo aizouya. Chipo chenyasha hachina pachingamboenzaniswa napo kukura nechitadzo chiya, nokuti kana vanhu vazhinji vakafa pamusana pechitadzo chomunhu mumwechete, ko kutozoti nyasha dzaMwari nechipo chinopiwa pachena, pamusana penyasha dzomunhu mumwechete uya, Jesu Kristu, chinofashurirwa zvakadii kuvanhu vakawanda.
Verenga chikamu Varoma 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 5:1-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo