Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaRoma 5:1-15

ƲaRoma 5:1-15 SUB1949

Naiɀoɀo ɀatinoruramiswa nokutenda ŋgatiʋe norugare kunaMŋari naShe weɗu, Jesu Kristu; watakawana naye mapindire nokutenda munyasha idzi, dzatinomira madziri; ŋgatifare netariro yokuʋona kubginya kwaMŋari. Ɀisati ɀiri iɀo ɓedzi, asi ŋgatifare ʋo mumaɗambudziko, ticiziʋa kuti kutambudzika kunoʋuyisa kutsuŋgirira; kutsuŋgirira kunoʋuyisa kuidzwa; kuidzwa kunoʋuyisa tariro; tariro hainyadzisi; nokuti ruɗo rwaMŋari rwakaɗirwa mumŋoyo yeɗu noMŋeya Mutȿene watakapiwa. Nokuti ticiri pakushaiwa simba, Kristu paŋguʋa yakafanira wakafira ʋasiŋgaɗi Mŋari. Nokuti ɀinorema kuti munhu afire wakarurama; nokuti ɀimŋe mumŋe uŋgatsuŋga kufira wakanaka. Asi Mŋari unoratidza ruɗo rwake kwatiri pakuti Kristu wakatifira, ticiri ʋatadzi. Ɀino, ɀatakaruramiswa muropa rake, ticaponeswa ɀikuru sei naye pakutsamŋa. Nokuti ɀatakayananiswa naMŋari nokufa kwoMŋanakomana wake, ticiri ʋaʋeŋgi ʋake, ɀikuru ticaponeswa kana tayananiswa noʋupenyu bgake; ɀisati ɀiri iɀo ɓedzi, asi tinofara ɀikuru ʋo munaMŋari naShe weɗu Jesu Kristu, watakapiwa ɀino naye iko kuyananiswa. Saka, ɀiʋi seɀaɀakapinda munyika nomunhu mumŋe, norufu rukapinda neɀiʋi; saiɀoɀo rufu rwakaȿika kuʋanhu ʋose, nokuti ʋose ʋakatadza; nokuti murairo usati waʋa’po, ɀiʋi ɀakaŋga ɀiri panyika; asi ɀiʋi haɀiʋereŋgerwi munhu, kana kusinomurairo. Asi rufu rwakaɓata ʋushe kubva kunaAdama kuȿikira kunaMosesi, kunyaŋge napakati ʋo paʋasina‐kutadza nokuɗarika kwaAdama, waiʋa mufananidzo wowakaŋga acizoʋuya. Asi cipo cokuŋgopiwa hacifanani nokuɗarika. Nokuti kana ʋazhinji ʋakafa nokuɗarika kwomumŋe, ɀikuru nyasha dzaMŋari necipo cakaʋuya nenyasha dzomunhu mumŋe, Jesu Kristu, ɀakawandira ʋazhinji.

Verenga chikamu ƲaRoma 5