Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaRoma 15:20-33

VaRoma 15:20-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Chagara chiri chishuwo changu kuti ndiparidze vhangeri kunzvimbo dzisati dzaziva Kristu, kuti ndisavaka pamusoro penheyo dzomumwe munhu. Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Avo, vakanga vasina kuudzwa nezvake vachaona, uye naivo vasina kunzwa vachanzwisisa.” Ndokusaka ndakadziviswa kazhinji kuuya kwamuri. Asi zvino hapasisinazve imwe nzvimbo yandingashanda mumatunhu aya, uye sezvo pava namakore mazhinji ndichida kuuya kwamuri, ndine urongwa hwokuita izvi pandichaenda kuSipeini. Ndinovimba kuti ndichakushanyirai pandichapfuura noko uye kuti muzondibatsira parwendo rwangu ikoko, mushure mokunge ndambofadzwa nokuva nemi kwechinguva. Asi, zvino ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuJerusarema kundoshumira vatsvene variko. Nokuti veMasedhonia neveAkaya vakafadzwa kuti vagovane navarombo pakati pavatsvene vari muJerusarema. Nokuti vakaona zvakanaka kuti vaite izvi, uye zvirokwazvo vane ngava kuti vavaitire izvi. Nokuti kana veDzimwe Ndudzi vakagovanawo pazvinhu zvoMweya zvavaJudha, vane ngavawo kuvaJudha kuti vagoverane navo pazvinhu zvavo zvenyika ino. Saka mushure mokunge ndapedza kuita basa iri uye ndaona kuti vagamuchira chibereko ichi, ndichaenda kuSipeini uye ndichakushanyirai parwendo rwangu. Ndinoziva kuti pandichauya kwamuri, ndichauya nokuropafadza kwakazara kwaKristu. Ndinokukumbirai zvikuru, hama dzangu, naShe wedu Jesu Kristu uye norudo rwoMweya, kuti murwe pamwe chete neni nokundinyengeterera kuna Mwari. Nyengeterai kuti ndinunurwe kune vasingatendi vari muJudhea uye kuti ushumiri hwangu muJerusarema hugamuchirwe navatsvene variko, kuti ndiuye kwamuri nomufaro nokuda kwaMwari uye kuti ndimutsiridzwe pamwe chete nemi. Mwari worugare ngaave nemi mose. Ameni.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 15

VaRoma 15:20-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

ndichishingairira chinhu ichi kuti ndiparidze Vhangeri, apo pasina kumborehwa zita raKristu, kuti ndirege kuvaka pamusoro penheyo dzomumwe munhu; asi, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Avo, vasina kuudzwa zvake, vachaona; Naivo vasina kunzwa vachanzwisisa.” Naizvozvo ndakadziviswawo kazhinji kuuya kwamuri; zvino zvandisina pokubata panyika idzi, uye zvaava makore mazhinji ndichida zvikuru kuuya kwamuri, kana ndichienda Sipeini, ndichauya kwamuri; (nokuti ndinotarira kukuonai parwendo rwangu, ndiperekedzwe nemi ikoko, kana ndamboguta zvishoma kuonana nemi). Asi zvino ndomboenda Jerusaremu kundoshumira vatsvene. Nokuti veMakedhonia naveAkaya vakati zvakanaka kuti vagovane navarombo pavatsvene vari muJerusaremu. Nokuti vakati zvakanaka; vane ngava navo. Nokuti kana vahedheni vakaitwa vagovani navo pazvinhu zvoMweya, vane ngavawo rokuvashumira pazvinhu zvenyama. Naizvozvo kana ndapedza chinhu ichi, ndikavavigira chibereko ichi, ndichaenda Sipeini nokwenyu. Ndinoziva kuti kana ndichiuya kwenyu, ndichauya nokuropafadza kwakazara kwaKristu. Zvino ndinokumbira zvikuru, hama dzangu, naIshe wedu, Jesu Kristu, uye norudo rwoMweya, kuti murwe pamwechete neni pakunyengetera kwenyu kuna Mwari pamusoro pangu; kuti ndisunungurwe kuna vasingateereri muJudhea, uye kuti kushumira kwangu kuna veJerusaremu kufadze vatsvene; kuti ndiuye kwamuri nomufaro nokuda kwaMwari, ndiwane zororo pamwechete nemi. Zvino Mwari worugare ngaave nemi mose. Ameni.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 15

VaRoma 15:20-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ndingadaro ndikavaka pahwaro hwomumwe. Asi sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Vasina kumbotaurirwa nezvake vachaona, vasina kumbonzwa nezvake vachanzwisisa.” Ndicho chikonzero chakandipingidza kuti ndiuye kwamuri kakawanda. Asi iye zvino zvandisisina mukana wokushanda munharaunda dzino idzi uye pamusana pokuti ndaisuwira kwamakore mazhinji kuuya kwamuri, ndinotarisira kukuonai ndichipfuura pandinenge ndichienda kuSipeini imiwo muchindibatsira parwendo rwangu ikoko pashure pokunge ndambofara kuva nemi kwechinguvana. Pari zvino ndiri kumboenda kuJerusaremu norubatsiro rwavatsvene. Ndinodaro nokuti vokuMasedhonia nevekuAkaya vakafarira kuti vape chipo kuvarombo mukati mavatsvene vokuJerusaremu. Ivo ndivo zvavo vakafarira kuzviita. Asi zviripowo zvazvo ndezvokuti, vanofanira kubatsira varombo ivavo. Nokuti vaJudha vakagoverana zvikomborero zvomweya nevechirudzi saizvozvowo vechirudzi vanofanira kubatsira vaJudha nezvinhu zvenyama. Saizvozvo kana ndapedza izvi ndatsvitsa zviya zvakaunganidzwa ndichapfuura nokwenyu ndichienda kuSipeini. Ndinozivawo kuti kana ndouya kwamuri ndinouya nechikomborero chaKristu chizere. Ndinokukumbirisai hama dzangu, nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu, nokurudo runobva kuna Mweya Mutsvene, kuti muvavarire pamwechete neni muminamato yenyu kuna Mwari muchindinamatira kuti ndinunurwe kuna vasingatendi vari kuJudhea uye kuti ruyamuro rwangu kuJerusaremu rwutambirwe navatsvene ivavo. Izvi kunenge kuri kuti, nokuda kwaMwari, ndizouya kwamuri nomufaro ndimboti zororei pakati penyu. Mwari worugare ngaave nemi mose. Ameni.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 15

VaRoma 15:20-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

ndicishiŋgairira cinhu ici kuti ndiparidze Evaŋgeri, apo pasina‐kumborebga zita raKristu, kuti ndirege kuʋaka pamsoro penheyo dzomumŋe munhu; asi, seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Aʋo, ʋasina‐kuʋudzwa ɀake, ʋacaʋona; Naiʋo ʋasina‐kunzwa ʋacanzwisisa. Naiɀoɀo ndakadziʋiswa ʋo kazhinji kuʋuya kwamuri; ɀino ɀandisinapokuɓata panyika idzi, ʋuye ɀaaʋa makore mazhinji ndiciɗa ɀikuru kuʋuya kwamuri, kana ndicienda Spania, ndicaʋuya kwamuri; (nokuti ndinotarira kukuʋonai parwendo rwaŋgu, ndiperekedzwe nemi ikoko, kana ndamboguta ɀishoma kuʋonana nemi). Asi ɀino ndomboenda Jerusarema kundoshumira ʋatȿene. Nokuti ʋeMakedonia naʋeAkaya ʋakati ɀakanaka kuti ʋagoʋane naʋarombo paʋatȿene ʋari paJerusarema. Nokuti ʋakati ɀakanaka; ʋaneŋgaʋa naʋo. Nokuti kana ʋahedeni ʋakaitwa ʋagoʋani naʋo paɀinhu ɀoMŋeya, ʋaneŋgaʋa ʋo rokuʋashumira paɀinhu ɀenyama. Naiɀoɀo kana ndapedza cinhu ici, ndikaʋaʋigira ciɓereko ici, ndicaenda Spania nokwenyu. Ndinoziʋa kuti kana ndiciʋuya kwenyu, ndicaʋuya nokuropafadza kwakazara kwaKristu. Ɀino ndinokumbira ɀikuru, hama dzaŋgu, naShe weɗu, Jesu Kristu, ʋuye noruɗo rwoMŋeya, kuti murwe pamŋe cete neni pakunyeŋgetera kwenyu kunaMŋari pamsoro paŋgu; kuti ndisunuŋgurwe kunaʋasiŋgatereri muJudea, ʋuye kuti kushumira kwaŋgu kunaʋeJerusarema kufadze ʋatȿene; kuti ndiʋuye kwamuri nomufaro nokuɗa kwaMŋari, ndiwane zororo pamŋe cete nemi. Ɀino Mŋari worugare ŋgaaʋe nemi mose. Ameni.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaRoma 15

VaRoma 15:20-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)