Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 15:20-33

Varoma 15:20-33 SCLBD

Ndingadaro ndikavaka pahwaro hwomumwe. Asi sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Vasina kumbotaurirwa nezvake vachaona, vasina kumbonzwa nezvake vachanzwisisa.” Ndicho chikonzero chakandipingidza kuti ndiuye kwamuri kakawanda. Asi iye zvino zvandisisina mukana wokushanda munharaunda dzino idzi uye pamusana pokuti ndaisuwira kwamakore mazhinji kuuya kwamuri, ndinotarisira kukuonai ndichipfuura pandinenge ndichienda kuSipeini imiwo muchindibatsira parwendo rwangu ikoko pashure pokunge ndambofara kuva nemi kwechinguvana. Pari zvino ndiri kumboenda kuJerusaremu norubatsiro rwavatsvene. Ndinodaro nokuti vokuMasedhonia nevekuAkaya vakafarira kuti vape chipo kuvarombo mukati mavatsvene vokuJerusaremu. Ivo ndivo zvavo vakafarira kuzviita. Asi zviripowo zvazvo ndezvokuti, vanofanira kubatsira varombo ivavo. Nokuti vaJudha vakagoverana zvikomborero zvomweya nevechirudzi saizvozvowo vechirudzi vanofanira kubatsira vaJudha nezvinhu zvenyama. Saizvozvo kana ndapedza izvi ndatsvitsa zviya zvakaunganidzwa ndichapfuura nokwenyu ndichienda kuSipeini. Ndinozivawo kuti kana ndouya kwamuri ndinouya nechikomborero chaKristu chizere. Ndinokukumbirisai hama dzangu, nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu, nokurudo runobva kuna Mweya Mutsvene, kuti muvavarire pamwechete neni muminamato yenyu kuna Mwari muchindinamatira kuti ndinunurwe kuna vasingatendi vari kuJudhea uye kuti ruyamuro rwangu kuJerusaremu rwutambirwe navatsvene ivavo. Izvi kunenge kuri kuti, nokuda kwaMwari, ndizouya kwamuri nomufaro ndimboti zororei pakati penyu. Mwari worugare ngaave nemi mose. Ameni.

Verenga chikamu Varoma 15