VaRoma 10:8-17
VaRoma 10:8-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi iwo unoti chiiko? “Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako uye nomumwoyo mako,” ndiro shoko rokutenda ratinoparidza: Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe” uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa. Nokuti unotenda nomwoyo wako ugoruramisirwa, uye unopupura nomuromo wako ugoponeswa. Sezvinorehwa noRugwaro ruchiti: “Ani naani anotenda kwaari haanganyadziswi.” Nokuti hapana musiyano pakati pomuJudha noweDzimwe Ndudzi, nokuti Ishe mumwe ndiye Ishe wavose uye anovaropafadza kwazvo vose vanodana kwaari, nokuti “Ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.” Zvino, vachagodana seiko kuna iye wavasina kutenda kwaari? Uye vangatenda sei kuna iye wavasina kumbonzwa? Vanganzwa seiko kana kusina anovaparidzira? Uye vangaparidza seiko kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko akanaka!” Asi havasi vaIsraeri vose vakagamuchira mashoko akanaka. Nokuti Isaya anoti, “Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?” Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu.

VaRoma 10:8-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi kunoreveiko? “Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako, ndiro shoko rokutenda ratinoparidza;” kana, kuti uchipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumwoyo mako, kuti Mwari akamumutsa kuvakafa, uchaponeswa; nokuti munhu anotenda nomwoyo, ndokururamiswa; anopupura nomuromo, ndokuponeswa. Nokuti Rugwaro runoti, “Aninaani anotenda kwaari, haanganyadziswi.” Nokuti muJudha nomuGiriki havasiyani; nokuti mumwe ndiye Ishe wavose, akapfuma kuna vose vanodana kwaari; nokuti aninaani anodana kuzita raIshe, achaponeswa. Zvino vachagodana seiko kuna iye, wavasina kutenda kwaari? Vachatenda seiko kuna iye, wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusina muparidzi? Vachaparidza seiko, kana vasingatumwi? Sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko omufaro ezvinhu zvakanaka?” Asi vose havana kuteerera mashoko omufaro. Nokuti Isaya anoti, “Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?” Naizvozvo kutenda kunouya nokunzwa, nokunzwa kunouya neshoko raKristu.
VaRoma 10:8-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi ururami hunotii? Hunoti, “Shoko riri pedyo newe, riri pamuromo pako, uye riri mumwoyo mako,” (tiri kureva shoko rechitendero ratinoparidza), nokuti kana ukataura nomuromo wako kuti Jesu ndiTenzi uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa muvakafa uchaponeswa. Zviripo ndezvokuti munhu anotenda mumwoyo wake naizvozvo anorumiswa, uye anobvuma nomuromo wake, anoponeswa naizvozvo. Magwaro Matsvene anoti hapana anotenda maari achanyadziswa, nokuti hapana rusaruro rwokuti uyu muJudha, kana kuti uyu muGiriki. Tenzi mumwecheteyo ndiye Tenzi wavose uye anopa upfumi hwake kuna vose vanodaidza kwaari, nokuti munhu wose anodaidza zita raTenzi achaponeswa. Zvino vangadaidze sei kwaari ivo vasina kutenda maari? Uye vachatenda sei maari iye vasina kumbonzwa nezvake? Uye vanganzwe sei ivo vasina muparidzi. Vanhu vangaparidze sei ivo vasina kutumwa sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Hakusi kunaka ikoko, kwakaita tsoka dzavanoparidza Shoko Rakanaka. Asika havasi vose vakateerera Shoko Rakanaka, sezvinotaurwa naIsaya anoti, ‘Tenzi ndiani akatenda zvaakanzwa kwatiri. Saizvozvo chitendero chinobva mune zvatinonzwa. Zvatinonzwa zvinobva mukuparidzwa kwaKristu.’ ”
VaRoma 10:8-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi kunoreʋeiko? Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako, nomumŋoyo mako; ndiro shoko rokutenda ratinoparidza; kuti, kana ucipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumŋoyo mako, kuti Mŋari wakamumutsa kuʋakafa, ucaponeswa; nokuti munhu unotenda nomŋoyo, ndokururamiswa; unopupura nomuromo, ndokuponeswa. Nokuti Rugwaro runoti: Aninani unotenda kwaari, haaŋganyadziswi. Nokuti muJuda nomuGiriki haʋasiyani; nokuti mumŋe ndiye Ishe waʋose, wakafuma kunaʋose ʋanoɗana kwaari; nokuti aninani unoɗana kuzita raShe, ucaponeswa. Ɀino ʋacagoɗana seiko kunaiye, waʋasina‐kutenda kwaari? Ʋacatenda seiko kunaiye, waʋasina‐kunzwa? Ʋacanzwa seiko kana kusinomuparidzi? Ʋacaparidza seiko, kana ʋasiŋgatumŋi? Seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Dzakanaka sei tsoka dzaʋanoʋuya namashoko omufaro eɀinhu ɀakanaka? Asi ʋose haʋana‐kuterera mashoko omufaro. Nokuti Isaya unoti: Ishe, ndianiko wakatenda ɀatakaparidza? Naiɀoɀo kutenda kunoʋuya nokunzwa, nokunzwa kunoʋuya neshoko raKristu.
VaRoma 10:8-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)