Asi kunoreʋeiko? Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako, nomumŋoyo mako; ndiro shoko rokutenda ratinoparidza; kuti, kana ucipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumŋoyo mako, kuti Mŋari wakamumutsa kuʋakafa, ucaponeswa; nokuti munhu unotenda nomŋoyo, ndokururamiswa; unopupura nomuromo, ndokuponeswa. Nokuti Rugwaro runoti: Aninani unotenda kwaari, haaŋganyadziswi. Nokuti muJuda nomuGiriki haʋasiyani; nokuti mumŋe ndiye Ishe waʋose, wakafuma kunaʋose ʋanoɗana kwaari; nokuti aninani unoɗana kuzita raShe, ucaponeswa. Ɀino ʋacagoɗana seiko kunaiye, waʋasina‐kutenda kwaari? Ʋacatenda seiko kunaiye, waʋasina‐kunzwa? Ʋacanzwa seiko kana kusinomuparidzi? Ʋacaparidza seiko, kana ʋasiŋgatumŋi? Seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Dzakanaka sei tsoka dzaʋanoʋuya namashoko omufaro eɀinhu ɀakanaka? Asi ʋose haʋana‐kuterera mashoko omufaro. Nokuti Isaya unoti: Ishe, ndianiko wakatenda ɀatakaparidza? Naiɀoɀo kutenda kunoʋuya nokunzwa, nokunzwa kunoʋuya neshoko raKristu.
Verenga chikamu ƲaRoma 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: ƲaRoma 10:8-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo