Asi ururami hunotii? Hunoti, “Shoko riri pedyo newe, riri pamuromo pako, uye riri mumwoyo mako,” (tiri kureva shoko rechitendero ratinoparidza), nokuti kana ukataura nomuromo wako kuti Jesu ndiTenzi uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa muvakafa uchaponeswa. Zviripo ndezvokuti munhu anotenda mumwoyo wake naizvozvo anorumiswa, uye anobvuma nomuromo wake, anoponeswa naizvozvo. Magwaro Matsvene anoti hapana anotenda maari achanyadziswa, nokuti hapana rusaruro rwokuti uyu muJudha, kana kuti uyu muGiriki. Tenzi mumwecheteyo ndiye Tenzi wavose uye anopa upfumi hwake kuna vose vanodaidza kwaari, nokuti munhu wose anodaidza zita raTenzi achaponeswa. Zvino vangadaidze sei kwaari ivo vasina kutenda maari? Uye vachatenda sei maari iye vasina kumbonzwa nezvake? Uye vanganzwe sei ivo vasina muparidzi. Vanhu vangaparidze sei ivo vasina kutumwa sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Hakusi kunaka ikoko, kwakaita tsoka dzavanoparidza Shoko Rakanaka. Asika havasi vose vakateerera Shoko Rakanaka, sezvinotaurwa naIsaya anoti, ‘Tenzi ndiani akatenda zvaakanzwa kwatiri. Saizvozvo chitendero chinobva mune zvatinonzwa. Zvatinonzwa zvinobva mukuparidzwa kwaKristu.’ ”
Verenga chikamu Varoma 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 10:8-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo