Zvakazarurwa 4:1-6
Zvakazarurwa 4:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwaizvozvi ndakatarisa, uye ipapo pamberi pangu pakanga pano mukova wakanga wakazaruka kudenga. Uye inzwi randakanzwa richitaura kwandiri rakanga rakaita sehwamanda, rakati, “Kwira kuno, ndigokuratidza zvinofanira kuitika shure kwaizvozvi.” Pakarepo ndakava muMweya, uye ipapo pamberi pangu pakava nechigaro choushe kudenga, nomumwe akanga agere pamusoro pacho. Uye akanga agerepo akanga akaita sedombo rejasipa nekarineri. Muraravungu, wakanga wakafanana nedombo reemaradhi, wakanga wakakomberedza chigaro choushe. Zvimwe zvigaro zvoushe makumi maviri nezvina zvakanga zvakakomberedza chigaro choushe, uye vakanga vagere pamusoro pazvo vakanga vari vakuru makumi maviri navana. Vakanga vakapfeka nguo chena uye vane korona dzegoridhe mumisoro yavo. Pachigaro choushe pakabuda kupenya kwemheni, kudengenyeka uye namaungira okutinhira. Pamberi pechigaro choushe, pakanga pane mwenje minomwe yaipfuta. Iyi ndiyo mweya minomwe yaMwari. Pamberi pechigaro choushe paivawo nezvaitarisika segungwa regirazi, rakachena sedombo rekristaro. Pakati, paipoteredza chigaro choushe, pakanga pane zvisikwa zvina, uye zvakanga zvakafukidzwa nameso, mberi neshure.
Zvakazarurwa 4:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shure kwaizvozvi, ndakatarira ndikaona musuo wakazaruka kudenga; nezwi rokutanga randakanzwa rakaita sehwamanda richitaura neni, richiti, “Kwira pano, ndigokuratidza zvinofanira kuitwa shure kwaizvozvi.” Pakarepo ndakava muMweya; tarira chigaro choushe chakagadzwa kudenga, nomumwe agere pachigaro. Iye akanga agerepo akanga akafanana nebwe rejasipisi neresaridhio; kwakanga kuno muraraungu wakakomberedza chigaro choushe, wakafanana nebwe resimaragidhino. Kwakanga kune zvigaro zvoushe zvina makumi maviri namana zvakanga zvakakomberedza chigaro choushe; napazvigaro pakanga pagere vakuru vana makumi maviri navana, vakapfeka nguo chena; vakanga vane korona dzendarama pamisoro yavo. Napachigaro choushe pakanga pachibuda mheni, namazwi, nokutinhira; nemwenje minomwe yakanga ichipfuta pamberi pechigaro choushe, iri Mweya minomwe yaMwari. Pamberi pechigaro choushe pakanga pane gungwa rakaonekera, rakafanana nekristaro; napakati pechigaro choushe, napamativi ose echigaro choushe, pakanga pane zvisikwa zvina zvipenyu, zvizere nameso mberi neshure kwazvo.
Zvakazarurwa 4:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure maizvozvi ndakatarisa onei mudenga mune musuo wakazaruka. Izwi rokutanga riya randakanga ndanzwa richitaura kwandiri sebhosvo rakati, “Kwira kuno ndikuratidze zvichaitika mushure mezvizvi.” Pakarepo ndakanga ndazadzwa naMweya onei chigaro choumambo chakati dzi kumira mudenga nomumwe akanga akagara pachiri. Iye akanga akagara ipapo akanga achipenya sedombo rinokosha rejasipa uye seresadhiso, uye chigaro chacho chakanga, chakatenderedzwa nomuraraungu waiita sedombo reemaradhi. Chigaro choumambo chiya chakanga chakatenderedzwa nezvigaro zvoumambo makumi maviri ane zvina. Pazvigaro izvozvo pakanga pagere, vakuru vakuru makumi maviri ana vana uye vakapfeka hanzu chena nendaza dzendarama pamisoro yavo. Pachigaro choumambo chiya paipenya mheni nokudhiriridza namabhanan'ana. Pamberi pechigaro choumambo paibvira mwenje minomwe yomoto. Iyoyo ndiyo mweya minomwe yaMwari. Pamberi pechigaro ichocho choumambo pakanga paine rinenge gungwa regirazi rakaita sezvimedu zvedombo romusarasara. Kumativi kwose kutenderedza chigaro choumambo ichocho, kwakanga kuine zvisikwa zvina zvizere maziso mberi neshure.
Zvakazarurwa 4:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shure kwaiɀoɀi, ndakatarira ndikaʋona mukoʋa wakazaruka kuɗeŋga; nenzwi rokutaŋga randakanzwa rakaita sehwamanda ricitaura neni, riciti: Kwira pano, ndigokuratidza ɀinofanira kuitwa shure kwaiɀoɀi. Pakarepo ndakaʋa muMŋeya; tariracigaro coʋushe cakagadzwa kuɗeŋga, nomumŋe agere pacigaro. Iye wakaŋga agere’po wakaŋga akafanana nebge rejaspisi neresardio; kwakaŋga kunomuraraʋuŋgu wakakomberedza cigaro coʋushe, wakafanana nebge resmaragdino. Kwakaŋga kuneɀigaro ɀoʋushe ɀinamakumi maʋiri namanna ɀakaŋga ɀakakomberedza cigaro coʋushe; napaɀigaro pakaŋga pagere Ʋakuru ʋanamakumi maʋiri naʋanna, ʋakapfeka ŋguʋo cena; ʋakaŋga ʋanekorona dzendarama pamisoro yaʋo. Napacigaro coʋushe pakaŋga paciɓuɗa mheni, namanzwi, nokutinhira; nemŋenje minomŋe yakaŋga icipfuta pamberi pecigaro coʋushe, iri Mŋeya minomŋe yaMŋari. Pamberi pecigaro coʋushe pakaŋga paneguŋgwa rakaʋonekera, rakafanana nekristaro; napakati pecigaro coʋushe, napamatiʋi ose ecigaro coʋushe, pakaŋga paneɀisikwa ɀinna ɀipenyu, ɀizere nameso mberi neshure kwaɀo.
Zvakazarurwa 4:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)