Zvakaratidzwa 4
4
II: ZVIRATIDZO ZVECHIPOROFITA
A: KUGADZIRIRA ZUVA GURU RAMWARI
1Mushure maizvozvi
ndakatarisa onei mudenga
mune musuo wakazaruka.
Izwi rokutanga riya randakanga ndanzwa
richitaura kwandiri sebhosvo rakati,
“Kwira kuno ndikuratidze zvichaitika mushure mezvizvi.”
2Pakarepo ndakanga ndazadzwa naMweya#4:2 NaMweya: MuchiGiriki munoti ndiri mumweya.
onei chigaro choumambo
chakati dzi kumira mudenga
nomumwe akanga akagara pachiri.
3Iye akanga akagara ipapo
akanga achipenya sedombo rinokosha rejasipa
uye seresadhiso, uye chigaro chacho chakanga,
chakatenderedzwa nomuraraungu
waiita sedombo reemaradhi.
4Chigaro choumambo chiya
chakanga chakatenderedzwa
nezvigaro zvoumambo makumi maviri ane zvina.
Pazvigaro izvozvo pakanga pagere,
vakuru vakuru makumi maviri ana vana
uye vakapfeka hanzu chena
nendaza dzendarama pamisoro yavo.
5Pachigaro choumambo chiya
paipenya mheni nokudhiriridza namabhanan'ana.
Pamberi pechigaro choumambo
paibvira mwenje minomwe yomoto.
Iyoyo ndiyo mweya minomwe yaMwari.
6Pamberi pechigaro ichocho choumambo
pakanga paine rinenge gungwa regirazi
rakaita sezvimedu zvedombo romusarasara.
Kumativi kwose kutenderedza chigaro choumambo ichocho,
kwakanga kuine zvisikwa zvina
zvizere maziso mberi neshure.
7Chisikwa chipenyu chokutanga
chakanga chakaita seshumba;
chisikwa chipenyu chechipiri
chakanga chakaita semombe;
chisikwa chipenyu chechitatu
chakanga chiine uso hwemunhu
chisikwa chipenyu chechina
chakanga chakaita segondo rinobhururuka.
8Zvisikwa zvipenyu zvina zviya,
chimwe nechimwe chazvo
chaiva namapapiro matanhatu
zvizere maziso kumativi ose mukati nokunze.
Siku nesikati hazvaimbomira kuimba zvichiti:
“Munoera, munoera, munoera,
imi Tenzi Mwari Samasimbaose,
makanga muripo, muripo, uyewo muchazovapo.”
9Zvisikwa zviya zvipenyu
pazvaipa mbiri norukudzo nokutenda
kuna akanga agare pachigaro choumambo,
iye anoramba aripo narini narini,
10vakuru vakuru makumi maviri ana vana vaya vaiti pasi wareware
pamberi paiye akanga agere pachigaro choumambo
vachimunamata iye anoramba aripo narini narini.
Vaiwarika zviremba zvavo
pamberi pechigaro choumambo vachiimba vachiti,
11“Munokodzera imi Tenzi naMwari wedu
kupiwa mbiri norukudzo nesimba
nokuti ndimi makasika zvinhu zvose.
Kuda kwenyu kuti zvivepo uye kuti zvisikwe.”
Zvasarudzwa nguva ino
Zvakaratidzwa 4: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.