Mushure maizvozvi ndakatarisa onei mudenga mune musuo wakazaruka. Izwi rokutanga riya randakanga ndanzwa richitaura kwandiri sebhosvo rakati, “Kwira kuno ndikuratidze zvichaitika mushure mezvizvi.” Pakarepo ndakanga ndazadzwa naMweya onei chigaro choumambo chakati dzi kumira mudenga nomumwe akanga akagara pachiri. Iye akanga akagara ipapo akanga achipenya sedombo rinokosha rejasipa uye seresadhiso, uye chigaro chacho chakanga, chakatenderedzwa nomuraraungu waiita sedombo reemaradhi. Chigaro choumambo chiya chakanga chakatenderedzwa nezvigaro zvoumambo makumi maviri ane zvina. Pazvigaro izvozvo pakanga pagere, vakuru vakuru makumi maviri ana vana uye vakapfeka hanzu chena nendaza dzendarama pamisoro yavo. Pachigaro choumambo chiya paipenya mheni nokudhiriridza namabhanan'ana. Pamberi pechigaro choumambo paibvira mwenje minomwe yomoto. Iyoyo ndiyo mweya minomwe yaMwari. Pamberi pechigaro ichocho choumambo pakanga paine rinenge gungwa regirazi rakaita sezvimedu zvedombo romusarasara. Kumativi kwose kutenderedza chigaro choumambo ichocho, kwakanga kuine zvisikwa zvina zvizere maziso mberi neshure.
Verenga chikamu Zvakaratidzwa 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvakaratidzwa 4:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo