Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 11:1-14

Zvakazarurwa 11:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ndakapiwa rutsanga rwakaita setsvimbo yokuyera ndikaudzwa kuti, “Enda undoyera temberi yaMwari nearitari, ugoverenga vanamati vari imomo. Asi usiye ruvazhe rwokunze; usaruyera, nokuti rwakapiwa kune veDzimwe Ndudzi. Vachafamba-famba muguta dzvene kwemwedzi makumi mana nemiviri. Uye ndichapa simba kuzvapupu zvangu zviviri, uye vachaprofita kwamazuva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi matanhatu, vakapfeka nguo dzamasaga.” Ava ndivo miti miviri yomuorivhi nezvigadziko zviviri zvemwenje zvimire pamberi paIshe wenyika. Kana munhu upi zvake akaedza kuvakuvadza, moto unobuda mumiromo yavo ugoparadza vavengi vavo. Aya ndiwo mafiro achaita ani zvake anoda kuvakuvadza. Varume ava vane simba rokuzarira denga kuti mvura irege kunaya panguva yavanenge vachiprofita; uye vane simba rokushandura mvura kuti ive ropa nokurova nyika namatenda amarudzi ose sapavanodira zvavo. Zvino pavanenge vapedza kupupura kwavo, chikara chinobva mugomba rakadzika zvisina mugumo chichavarwisa, chigovakunda uye chichavauraya. Mitumbi yavo icharaswa munzira yomuguta guru, rinonzi kana richifananidzirwa, Sodhomu neIjipiti, uko kwakarovererwawo Ishe wavo. Kwamazuva matatu nehafu, vanhu vanobva kuvanhu vose, kumarudzi ose, kundimi dzose, nokundudzi dzose vacharamba vakatarira mitumbi yavo uye vachadzivisa kuvigwa kwayo. Vanogara panyika vachafara pamusoro pavo uye vachapembera vagotumirana zvipo, nokuti vaprofita vaviri ava vakatambudza avo vanogara panyika. Asi mushure mamazuva matatu nehafu, mweya woupenyu wakabva kuna Mwari wakapinda mavari, vakamira netsoka dzavo, kutya kukabata avo vakavaona. Ipapo vakanzwa inzwi guru richibva kudenga richiti, “Kwirai kuno.” Uye vakakwira kudenga vari mugore, vavengi vavo vachizviona. Panguva yacho iyoyo kwakava nokudengenyeka kukuru kwenyika uye chegumi cheguta chikaondomoka. Zviuru zvinomwe zvavanhu zvakaurayiwa mukudengenyeka kwenyika ikoko, uye vakasara vakavhundutswa nazvo vakarumbidza Mwari wokudenga. Nhamo yechipiri yapfuura; nhamo yechitatu iri kuuya nokukurumidza.

Zvakazarurwa 11:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino ndakapiwa rutsanga rwakaita somudonzvo; zvikanzi, “Simuka, uere temberi yaMwari, nearitari, navanonamata mairi. Asi siya ruvazhe ruri kunze kwetemberi, usaruera; nokuti rwakapiwa vahedheni; vachatsika guta dzvene mwedzi inamakumi mana nemiviri. Ndicharaira zvapupu zvangu zviviri kuti zviporofite, zvakapfeka masaga, mazuva ane chiuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.” Ava ndiyo miorivhi miviri nezvigadziko zvemwenje zviviri zvimire pamberi paIshe wenyika. Kana kunomunhu anoda kuvakuvadza, moto uchabuda mumiromo yavo uchiparadza vavengi vavo; kana kuno munhu anoda kuvakuvadza, anofanira kuurawa saizvozvo. Vane simba rokuzarira denga, kuti mvura irege kunaya namazuva okuporofita kwavo; vane simba pamusoro pemvura kuti vaishandure ive ropa, nokurova nyika namadambudziko ose nenguva dzose dzavanoda. Kana vapedza kupupura kwavo, chikara chinokwira chichibva mugomba rakadzika-dzika chicharwa navo, chichivakunda nokuvauraya. Mitumbi yavo icharaswa panzira dzomuguta guru, rinonzi, nezita rokufananidzira, Sodhoma neIjipiti, pakaroverwawo Ishe wavo pamuchinjikwa. Vanobva kuvanhu, namarudzi, nendimi, nendudzi, vachaona mitumbi yavo mazuva matatu nehafu, vasingatenderi kuti ivigwe mubwiro. Navanogara panyika vachafara nokupembera pamusoro pavo, vachitumirana zvipo, nokuti vaporofita ava vaviri vakatambudza avo vanogara panyika. Zvino mazuva matatu nehafu akati apfuura, mweya woupenyu, wakabva kuna Mwari, ukapinda mukati mavo, vakamira netsoka dzavo, kutya kukuru kukawira vose vakavaona. Ipapo vakanzwa izwi guru, rinobva kudenga, richiti kwavari, “Kwirai pano.” Vakakwira kudenga negore, vavengi vavo vakavaona. Zvino nenguva iyo kudengenyeka kwenyika kwakavapo, chegumi cheguta chikaputsikira pasi, navanhu vane zviuru zvinomwe vakaurawa nokudengenyeka; vakasara vakatya, vakarumbidza Mwari wokudenga. Nhamo yechipiri yapfuura; tarira, nhamo yechitatu inokurumidza kusvika.

Zvakazarurwa 11:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ndakapiwa karutanda kokueresa kanenge mudonzvo ndikanzi, “Simuka uyere Temberi yaMwari neatari uverengewo vanonamatamo. Asi usayere chivanze chiri kunze kweTemberi, siya chakadaro, nokuti chakapiwa kune vechirudzi vachatsikatsika guta rinoera guta rinoera kwemwedzi makumi mana nemiviri. Ndichapawo simba kuzvapupu zvangu zviviri kuti zviporofite kwamazuva churu namazana maviri ana makumi matanhatu vakapfeka masaga.” Ivava ndivo miorivhi miviri nezvigadzikiro zviviri zvemwenje zviri pamberi patenzi wapasi. Kana munhu akavakuvadza, moto uchabva mukanwa mavo uchiroromesa vavengi vavo. Kana munhu akavakuvadza anouraiwa. Vane simba rokupfiga denga kuti mvura irege kunaya pamazuva ukuporofita kwavo. Vane simba pamusoro pemvura rokuipindura kuva ropa uye rokurova nyika namatenda pavanenge vangodira zvavo. Pavanopedza uchapupu hwavo chikara chiya chinobuda mugomba risina parinoperera chichavarwisa chigovakurira chigovauraya. Zvitunha zvavo zvichati rakata mumugwagwa weguta guru, rinonzi namadimikira, Sodhomu kana kuti Ijipiti makarovererwa Tenzi wavo pamuchinjikwa. Kwamazuva matatu ane chidimbu vanhu vanobva muvanhu vose nomumadzinza nomundimi nomumarudzi vachatarisa zvitunha zvavo vachiramba kuti zvivigwe muguva. Vanogara panyika vachafara vachipembera, vachitopana zvipo nokuti vaporofita vaviri ava vachange vaonesa vagari vapanyika ndondo. Asi mushure memazuva aya matatu ane chidimbu mweya woupenyu unobva kuna Mwari uchavapinda vachizomira namakumbo avo kutya kukuru kuchizowira vanovaona. Vakazonzwa izwi guru richibva kudenga richivati, “Kwirai kuno.” Vakakwira kudenga vari mugore vavengi vavo vakatarisa. Panguva iyo pakava nokundengendeka kukuru chikamu chavanhu chimwechete pazvikamu gumi zvakaenzana chakati rakata pasi. Vanhu vaisvika zviuru zvinomwe vakauraiwa mukundengendeka kwapasi vamwe vose vakabatwa nokutya vakapa mbiri kuna Mwari wedenga. Dambudziko rechipiri ndipo parinoperera pano. Dambudziko rechitatu riri kuuya iye zvino.

Zvakazarurwa 11:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ndakapiwa rutsaŋga rwakaita somuɗonɀo; ɀikanzi: Simuka, uyere tembere yaMŋari, neartari, naʋanonamata mairi. Asi siya ruʋazhe ruri kunze kwetembere, usaruyera; nokuti rwakapiwa ʋahedeni; ʋacatsika guta dɀene mŋedzi inamakumi manna nemiʋiri. ndicaraira ɀapupu ɀaŋgu ɀiʋiri kuti ɀiprofite, ɀakapfeka masaga, mazuʋa anecuru cinamazana maʋiri namakumi matanhatu. Aʋa ndiyo miorivi miʋiri neɀigadziko ɀemŋenje ɀiʋiri ɀimire pamberi paShe wenyika. Kana kunomunhu unoɗa kuʋakuʋadza, mŋoto ucaɓuɗa mumiromo yaʋo uciparadza ʋaʋeŋgi ʋaʋo; kana kunomunhu unoɗa kuʋakuʋadza, unofanira kuʋurawa saiɀoɀo. Ʋanesimba rokuzarira ɗeŋga, kuti mvura irege kunaya namazuʋa okuprofita kwaʋo; ʋanesimba pamsoro pemvura kuti ʋaishandure iʋe ropa, nokuroʋa nyika namaɗambudziko ose neŋguʋa dzose dzaʋanoɗa. Kana ʋapedza kupupura kwaʋo, cikara cinokwira cicibva mugomba rakadzika‐dzika cicarwa naʋo, ciciʋakunda nokuʋaʋuruya. Mitumbu yaʋo icarashwa panzira dzomuguta guru, rinonzi, nezita rokufananidzira, Sodoma neEgipita, pakaroʋerwa ʋo Ishe waʋo pamucinjikwa. Ʋanobva kuʋanhu, namarudzi, nendimi, nendudzi, ʋacaʋona mitumbu yaʋo mazuʋa matatu nehafu, ʋasiŋgatenderi kuti iʋigwe mubgiro. Naʋanogara panyika ʋacafara nokupembera pamsoro paʋo, ʋacitumirana ɀipo, nokuti ʋaprofita aʋa ʋaʋiri ʋakatambudza aʋo ʋanogara panyika. Ɀino mazuʋa matatu nehafu akati apfuʋura, mŋeya woʋupenyu, wakabva kunaMŋari, ukapinda mukati maʋo, ʋakamira netsoka dzaʋo, kutya kukuru kukawira ʋose ʋakaʋaʋona. Ipapo ʋakanzwa inzwi guru, rinobva kuɗeŋga, riciti kwaʋari: Kwirai pano. Ʋakakwira kuɗeŋga negore, ʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋakaʋaʋona. Ɀino neŋguʋa iyo kuɗeŋgenyika kwenyika kwakaʋa’po, cegumi ceguta cikaputsikira pasi, naʋanhu ʋaneɀuru ɀinomŋe ʋakaʋurawa nokuɗeŋgenyika; ʋakasara ʋakatya, ʋakarumbidza Mŋari wokuɗeŋga. Nhamo yecipiri yapfuʋura; tarira, nhamo yecitatu inokurumidza kuȿika.

Zvakazarurwa 11:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)