Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀakazarurwa 11:1-14

Ɀakazarurwa 11:1-14 SUB1949

Ɀino ndakapiwa rutsaŋga rwakaita somuɗonɀo; ɀikanzi: Simuka, uyere tembere yaMŋari, neartari, naʋanonamata mairi. Asi siya ruʋazhe ruri kunze kwetembere, usaruyera; nokuti rwakapiwa ʋahedeni; ʋacatsika guta dɀene mŋedzi inamakumi manna nemiʋiri. ndicaraira ɀapupu ɀaŋgu ɀiʋiri kuti ɀiprofite, ɀakapfeka masaga, mazuʋa anecuru cinamazana maʋiri namakumi matanhatu. Aʋa ndiyo miorivi miʋiri neɀigadziko ɀemŋenje ɀiʋiri ɀimire pamberi paShe wenyika. Kana kunomunhu unoɗa kuʋakuʋadza, mŋoto ucaɓuɗa mumiromo yaʋo uciparadza ʋaʋeŋgi ʋaʋo; kana kunomunhu unoɗa kuʋakuʋadza, unofanira kuʋurawa saiɀoɀo. Ʋanesimba rokuzarira ɗeŋga, kuti mvura irege kunaya namazuʋa okuprofita kwaʋo; ʋanesimba pamsoro pemvura kuti ʋaishandure iʋe ropa, nokuroʋa nyika namaɗambudziko ose neŋguʋa dzose dzaʋanoɗa. Kana ʋapedza kupupura kwaʋo, cikara cinokwira cicibva mugomba rakadzika‐dzika cicarwa naʋo, ciciʋakunda nokuʋaʋuruya. Mitumbu yaʋo icarashwa panzira dzomuguta guru, rinonzi, nezita rokufananidzira, Sodoma neEgipita, pakaroʋerwa ʋo Ishe waʋo pamucinjikwa. Ʋanobva kuʋanhu, namarudzi, nendimi, nendudzi, ʋacaʋona mitumbu yaʋo mazuʋa matatu nehafu, ʋasiŋgatenderi kuti iʋigwe mubgiro. Naʋanogara panyika ʋacafara nokupembera pamsoro paʋo, ʋacitumirana ɀipo, nokuti ʋaprofita aʋa ʋaʋiri ʋakatambudza aʋo ʋanogara panyika. Ɀino mazuʋa matatu nehafu akati apfuʋura, mŋeya woʋupenyu, wakabva kunaMŋari, ukapinda mukati maʋo, ʋakamira netsoka dzaʋo, kutya kukuru kukawira ʋose ʋakaʋaʋona. Ipapo ʋakanzwa inzwi guru, rinobva kuɗeŋga, riciti kwaʋari: Kwirai pano. Ʋakakwira kuɗeŋga negore, ʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋakaʋaʋona. Ɀino neŋguʋa iyo kuɗeŋgenyika kwenyika kwakaʋa’po, cegumi ceguta cikaputsikira pasi, naʋanhu ʋaneɀuru ɀinomŋe ʋakaʋurawa nokuɗeŋgenyika; ʋakasara ʋakatya, ʋakarumbidza Mŋari wokuɗeŋga. Nhamo yecipiri yapfuʋura; tarira, nhamo yecitatu inokurumidza kuȿika.