Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀakazarurwa 11

11
Ɀapupu ɀiʋiri.
1Ɀino ndakapiwa rutsaŋga rwakaita somuɗonɀo; ɀikanzi: Simuka, uyere tembere yaMŋari, neartari, naʋanonamata mairi. 2Asi siya ruʋazhe ruri kunze kwetembere, usaruyera; nokuti rwakapiwa ʋahedeni; ʋacatsika guta dɀene mŋedzi inamakumi manna nemiʋiri. 3ndicaraira ɀapupu ɀaŋgu ɀiʋiri kuti ɀiprofite, ɀakapfeka masaga, mazuʋa anecuru cinamazana maʋiri namakumi matanhatu. 4Aʋa ndiyo miorivi miʋiri neɀigadziko ɀemŋenje ɀiʋiri ɀimire pamberi paShe wenyika. 5Kana kunomunhu unoɗa kuʋakuʋadza, mŋoto ucaɓuɗa mumiromo yaʋo uciparadza ʋaʋeŋgi ʋaʋo; kana kunomunhu unoɗa kuʋakuʋadza, unofanira kuʋurawa saiɀoɀo. 6Ʋanesimba rokuzarira ɗeŋga, kuti mvura irege kunaya namazuʋa okuprofita kwaʋo; ʋanesimba pamsoro pemvura kuti ʋaishandure iʋe ropa, nokuroʋa nyika namaɗambudziko ose neŋguʋa dzose dzaʋanoɗa. 7Kana ʋapedza kupupura kwaʋo, cikara cinokwira cicibva mugomba rakadzika‐dzika cicarwa naʋo, ciciʋakunda nokuʋaʋuruya. 8Mitumbu yaʋo icarashwa panzira dzomuguta guru, rinonzi, nezita rokufananidzira, Sodoma neEgipita, pakaroʋerwa ʋo Ishe waʋo pamucinjikwa. 9Ʋanobva kuʋanhu, namarudzi, nendimi, nendudzi, ʋacaʋona mitumbu yaʋo mazuʋa matatu nehafu, ʋasiŋgatenderi kuti iʋigwe mubgiro. 10Naʋanogara panyika ʋacafara nokupembera pamsoro paʋo, ʋacitumirana ɀipo, nokuti ʋaprofita aʋa ʋaʋiri ʋakatambudza aʋo ʋanogara panyika. 11Ɀino mazuʋa matatu nehafu akati apfuʋura, mŋeya woʋupenyu, wakabva kunaMŋari, ukapinda mukati maʋo, ʋakamira netsoka dzaʋo, kutya kukuru kukawira ʋose ʋakaʋaʋona. 12Ipapo ʋakanzwa inzwi guru, rinobva kuɗeŋga, riciti kwaʋari: Kwirai pano. Ʋakakwira kuɗeŋga negore, ʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋakaʋaʋona. 13Ɀino neŋguʋa iyo kuɗeŋgenyika kwenyika kwakaʋa’po, cegumi ceguta cikaputsikira pasi, naʋanhu ʋaneɀuru ɀinomŋe ʋakaʋurawa nokuɗeŋgenyika; ʋakasara ʋakatya, ʋakarumbidza Mŋari wokuɗeŋga.
14Nhamo yecipiri yapfuʋura; tarira, nhamo yecitatu inokurumidza kuȿika.
Hwamanda yecinomŋe.
15Ɀino mutumŋa wecinomŋe wakaridza; manzwi makuru akaʋa’po kuɗeŋga, aciti: Ʋushe bgenyika bgaʋa bgaShe weɗu, naKristu wake; ucabguɓata nokusiŋgaperi‐peri. 16Ipapo Ʋakuru ʋanamakumi maʋiri naʋanna ʋanogara paɀigaro ɀaʋo ɀoʋushe pamberi paMŋari, ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo, ʋakanamata Mŋari, 17ʋaciti: Tinokuʋoŋgai imi, Ishe Mŋari wamasimba ose, muri’po, namakaŋga muri’po; nokuti makatora simba renyu guru, mukaɓata ʋushe. 18Marudzi akatsamŋa, nokutsamŋa kwenyu kwakaȿika, neŋguʋa yaʋakafa, kuti ʋatoŋgwe, ʋuye kuti mupe ʋaranda ʋenyu muɓairo, iʋo ʋaprofita, naʋatȿene, naʋanotya zita renyu, ʋaɗuku naʋakuru; ʋuye kuti muparadze aʋo ʋanoparadza nyika.
19Ipapo tembere yaMŋari iri kuɗeŋga yakazarurwa; areka yesuŋgano ikaʋonekwa mutembere yake; ipapo kwakaʋa’po mheni, namanzwi, nokutinhira, nokuɗeŋgenyika kwenyika, necimvuramabge cikuru.

Zvasarudzwa nguva ino

Ɀakazarurwa 11: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neⱿakazarurwa 11

YouVersion inoshandisa macookies kugadzirisa mashandisiro ako. Nekushandisa webhusaiti yedu, unobvuma kushandisa kwedu macookies sekutsanangurwa kwazvakaitwa mu Mutemo wedu weZvakavanzika