1
Ɀakazarurwa 11:15
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mutumŋa wecinomŋe wakaridza; manzwi makuru akaʋa’po kuɗeŋga, aciti: Ʋushe bgenyika bgaʋa bgaShe weɗu, naKristu wake; ucabguɓata nokusiŋgaperi‐peri.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ɀakazarurwa 11:18
Marudzi akatsamŋa, nokutsamŋa kwenyu kwakaȿika, neŋguʋa yaʋakafa, kuti ʋatoŋgwe, ʋuye kuti mupe ʋaranda ʋenyu muɓairo, iʋo ʋaprofita, naʋatȿene, naʋanotya zita renyu, ʋaɗuku naʋakuru; ʋuye kuti muparadze aʋo ʋanoparadza nyika.
3
Ɀakazarurwa 11:3
ndicaraira ɀapupu ɀaŋgu ɀiʋiri kuti ɀiprofite, ɀakapfeka masaga, mazuʋa anecuru cinamazana maʋiri namakumi matanhatu.
4
Ɀakazarurwa 11:11
Ɀino mazuʋa matatu nehafu akati apfuʋura, mŋeya woʋupenyu, wakabva kunaMŋari, ukapinda mukati maʋo, ʋakamira netsoka dzaʋo, kutya kukuru kukawira ʋose ʋakaʋaʋona.
5
Ɀakazarurwa 11:6
Ʋanesimba rokuzarira ɗeŋga, kuti mvura irege kunaya namazuʋa okuprofita kwaʋo; ʋanesimba pamsoro pemvura kuti ʋaishandure iʋe ropa, nokuroʋa nyika namaɗambudziko ose neŋguʋa dzose dzaʋanoɗa.
6
Ɀakazarurwa 11:4-5
Aʋa ndiyo miorivi miʋiri neɀigadziko ɀemŋenje ɀiʋiri ɀimire pamberi paShe wenyika. Kana kunomunhu unoɗa kuʋakuʋadza, mŋoto ucaɓuɗa mumiromo yaʋo uciparadza ʋaʋeŋgi ʋaʋo; kana kunomunhu unoɗa kuʋakuʋadza, unofanira kuʋurawa saiɀoɀo.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo